Mapisarema 95:1-11
Mapisarema 95:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro; ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu. Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga uye timukudze nenziyo. Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru, Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose. Nzvimbo dzakadzika dzapanyika dziri muruoko rwake, uye misoro yamakomo ndeyake. Gungwa nderake, nokuti ndiye akariita, uye maoko ake akaumba nyika yakaoma. Uyai tikotame, tinamate, ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu; nokuti ndiye Mwari wedu, uye isu tiri vanhu vanofudzwa naye, makwai anochengetwa naye. Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita paMeribha, sezvamakaita pazuva riya paMasa mugwenga, pandakaedzwa namadzibaba enyu kunyange vakanga vaona zvandakanga ndaita. Ndakatsamwira rudzi urwu kwamakore makumi mana; ndakati, “Ava vanhu vane mwoyo yakatsauka, uye havana kuziva nzira dzangu.” Saka ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati, “Havangazombopindi pazororo rangu.”
Mapisarema 95:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uyai, tiimbire Jehovha; Ngatipururudzei dombo rokuponeswa kwedu. Ngatisvike pamberi pake tichivonga, Ngatimupururudzei namapisarema, Nokuti Jehovha ndiMwari mukuru, Mambo mukuru anokunda vamwari vose. Nzvimbo dzakadzika dzapasi dziri muruoko rwake; Misoro yamakomo ndeyakewo. Gungwa nderake, ndiye akariita; Maoko ake akaumba nyika yakaoma. Uyai, tinamate tikotamire pasi; Ngatipfugame pamberi paJehovha Muiti wedu. Nokuti ndiye Mwari wedu, Isu tiri vanhu vanofudzwa naye, namakwai oruoko rwake. Nhasi dai muchinzwa henyu izwi rake! “Regai kuomesa mwoyo yenyu sapaMeribha, Sapazuva reMasa murenje; Panguva yandakaidzwa namadzibaba enyu, Vakandiidza, vakaona zvandakaita. Ndakanga ndine shungu pamusoro porudzi urwo makore makumi mana, Ndikati, ‘Ndivanhu vakarashika pamwoyo yavo, Havana kuziva nzira dzangu;’ Saka ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati, ‘Havangazopindi pazororo rangu.’ ”
Mapisarema 95:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uyai tiimbe tichirumbidza TENZI. Ngatipururudzirei nomufaro dombo ratinopona naro. Ngatiuyei paari tichimutenda ngatimupururudzirei tichimurumbidza nedzimbo. Nokuti TENZI ndiMwari mukuru, uye ndiMambo mukuru ari pamusoro pavanamwari vose. Pasi pakadzamisisa pari mumaoko ake, kunyange nhungamakore dzamakomo ndedzake. Gungwa nderake nokuti ndiye akarisika uye nyika yakaoma, nokuti maoko ake ndiwo akaiumba. Uyai tigwadame tikotame tichipfugamira TENZI musiki wedu nokuti ndiTENZI wedu isu ndisu vanhu vaanofudza uye tiri hwai dziri mumaoko ake. Dai nhasi mukangoteererawo zvenyu kuizwi rake. Musaomese mwoyo yenyu sokuMeribha somusi uya kuMasa murenje, madzibaba enyu paakandiedza, vakatsvaka kuona zvandiri, kunyange vakanga vaona mabasa angu. Kwamakore makumi mana ndakasema chizvarwa ichocho ndikati, “Vanhu vakarasika ava, vasina hanya nenzira dzangu.” Ndokusaka ndakapika nehasha kuti havambofa vakasvika kunzvimbo yangu yokuzorora.
Mapisarema 95:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋuyai, tiimbire Jehova; Ŋgatipururudzei ɗombo rokuponeswa kweɗu. Ŋgatiȿike pamberi pake ticiʋoŋga, Ŋgatimupururudzei namapisarema, Nokuti Jehova ndiMŋari mukuru, Mambo mukuru unokunda ʋamŋari ʋose. Nɀimbo dzakadzika dzapasi dziri muruʋoko rwake; Misoro yamakomo ndeyake ʋo. Guŋgwa nderake, ndiye wakariita; Maʋoko ake akaʋumba nyika yakawoma. Ʋuyai, tinamate tikotamire pasi; Ŋgatifugame pamberi paJehova Muiti weɗu. Nokuti ndiye Mŋari weɗu, Isu tiri ʋanhu ʋanofudzwa naye, namakwai oruʋoko rwake. Nhasi ɗai mucinzwa henyu inzwi rake! Regai kuwomesa mŋoyo yenyu sapaMeriba, Sapazuʋa reMasa murenje; Paŋguʋa yandakaidzwa namadziɓaɓa enyu, Ʋakandiidza, ʋakaʋona ɀandakaita. Ndakaŋga ndineshuŋgu pamsoro porudzi urwo makore makumi manna, Ndikati: Ndiʋanhu ʋakarashika pamŋoyo yaʋo, Haʋana‐kuziʋa nzira dzaŋgu; Saka ndakapika pakutsamŋa kwaŋgu, ndikati: Haʋaŋgazopindi pazororo raŋgu.
Mapisarema 95:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)