Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 95:1-11

Mapisarema 95:1-11 BDSC

Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro; ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu. Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga uye timukudze nenziyo. Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru, Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose. Nzvimbo dzakadzika dzapanyika dziri muruoko rwake, uye misoro yamakomo ndeyake. Gungwa nderake, nokuti ndiye akariita, uye maoko ake akaumba nyika yakaoma. Uyai tikotame, tinamate, ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu; nokuti ndiye Mwari wedu, uye isu tiri vanhu vanofudzwa naye, makwai anochengetwa naye. Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita paMeribha, sezvamakaita pazuva riya paMasa mugwenga, pandakaedzwa namadzibaba enyu kunyange vakanga vaona zvandakanga ndaita. Ndakatsamwira rudzi urwu kwamakore makumi mana; ndakati, “Ava vanhu vane mwoyo yakatsauka, uye havana kuziva nzira dzangu.” Saka ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati, “Havangazombopindi pazororo rangu.”

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMapisarema 95:1-11