Uyai tiimbe tichirumbidza TENZI. Ngatipururudzirei nomufaro dombo ratinopona naro. Ngatiuyei paari tichimutenda ngatimupururudzirei tichimurumbidza nedzimbo. Nokuti TENZI ndiMwari mukuru, uye ndiMambo mukuru ari pamusoro pavanamwari vose. Pasi pakadzamisisa pari mumaoko ake, kunyange nhungamakore dzamakomo ndedzake. Gungwa nderake nokuti ndiye akarisika uye nyika yakaoma, nokuti maoko ake ndiwo akaiumba. Uyai tigwadame tikotame tichipfugamira TENZI musiki wedu nokuti ndiTENZI wedu isu ndisu vanhu vaanofudza uye tiri hwai dziri mumaoko ake. Dai nhasi mukangoteererawo zvenyu kuizwi rake. Musaomese mwoyo yenyu sokuMeribha somusi uya kuMasa murenje, madzibaba enyu paakandiedza, vakatsvaka kuona zvandiri, kunyange vakanga vaona mabasa angu. Kwamakore makumi mana ndakasema chizvarwa ichocho ndikati, “Vanhu vakarasika ava, vasina hanya nenzira dzangu.” Ndokusaka ndakapika nehasha kuti havambofa vakasvika kunzvimbo yangu yokuzorora.
Verenga chikamu Nziyo 95
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 95:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo