Mapisarema 94:1-11
Mapisarema 94:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Jehovha, imi Mwari anotsiva, haiwa Mwari iyemi munotsiva, penyai. Simukai, imi Mutongi wenyika; tsivai vanozvikudza zvakavafanira. Haiwa Jehovha, vakaipa vachasvika riniko, vachasvika riniko vakaipa vachingofara? Vanodurura mashoko okuzvikudza; vose vanoita zvakaipa vazere nokuzvirumbidza. Vanopwanya vanhu venyu, imi Jehovha, vanodzvinyirira nhaka yenyu. Vanouraya chirikadzi nomweni; vanoponda nherera. Vanoti, “Jehovha haaoni; Mwari waJakobho haana hanya.” Nzwisisai, imi vasina njere pakati pavanhu; imi mapenzi, muchava vakachenjera riniko? Ko, iye akasima nzeve, haanganzwi here? Iye akaumba ziso haangaoni here? Ko, iye anoranga ndudzi haangarangi here? Anodzidzisa vanhu angashayiwa zivo here? Jehovha anoziva mirangariro yavanhu; anoziva kuti haina maturo.

Mapisarema 94:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha, imi Mwari mutsivi, Imi Mwari mutsivi, penyai. Zvisimudzei, imi Mutongi wenyika; Ipai vanozvikudza sezvavakafanira. Jehovha, vakaipa vachafara kwazvo kusvikira riniko, Vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rini? Vanongotaura havo, vanotaura vachizvikudza, Vaiti vose vezvakaipa vanoita manyawi. Vanopwanya vanhu venyu, Jehovha, Vachitambudza nhaka yenyu. Vanouraya chirikadzi nomweni, Nenherera vanodziuraya. Vachiti, “Jehovha haazvioni, Mwari waJakobho haazvirangariri.” Rangarirai imi vasina njere pakati pavanhu; Nemi mapenzi, muchava vakachenjera riniko? Iye, akasima nzeve, haanganzwi here? Iye, akaumba ziso, haangaoni here? Iye, anoranga vahedheni, haangarairi here? Iye, anodzidzisa vanhu zivo? Jehovha anoziva kufunga kwavanhu, Kuti hazvina maturo.
Mapisarema 94:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI muri Mwari anotsiva, imi Mwari anotsiva, zviratidzei. Simukai imi mutongi wapasi mupe vanozvikudza zvavanokodzerana nazvo. Nhai TENZI ko ivo vakaipa vachasvikira riniko kusvikira rini vakaipa vachizvitutumadza. Vanorutsa kutaura mashoko okuzvikudza. Vaiti vezvakaipa vose vanozvitutumadza. Vanopwanya vanhu venyu TENZI vanorwadzisa nhaka yenyu. Vanoponda kuuraya chirikadzi nomutorwa vachiuraya zvavo nherera. Vanoti TENZI haazvioni Mwari waJakobho haatarisi. Nzwisisaiwo imi matununu avanhu imi mapenzi muchangwara rinhiko? Ko iye akaita nzeve haakwanisi kunzwa here? Iye akaumba ziso angatadze kuona here? Iye anoranga marudzi haarangi here, iye anodzidzisa vanhu ruzivo? TENZI anoziva pfungwa dzavanhu kuti dzinongova femo zvaro.
Mapisarema 94:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova, imi Mŋari mutsiʋi, Imi Mŋari mutsiʋi, penyai. Ɀisimudzei, imi Mutoŋgi wenyika; Ipai ʋanoɀikudza seɀaʋakafanira. Jehova, ʋakaipa ʋacafara kwaɀo kuȿikira riniko, Ʋakaipa ʋacafara kwaɀo kuȿikira rini? Ʋanoŋgotaura haʋo, ʋanotaura ʋaciɀikudza, Ʋaiti ʋose ʋeɀakaipa ʋanoita manyawi. Ʋanopxanya ʋanhu ʋenyu, Jehova, Ʋacitambudza nhaka yenyu. Ʋanoʋuraya cirikadzi nomŋeni, Nenherera ʋanodziʋuraya. Ʋaciti: Jehova haaɀiʋoni, Mŋari waJakobo haaɀiraŋgariri. Raŋgarirai imi ʋasinenjere pakati paʋanhu; Nemi mapenzi, mucaʋa ʋakacenjera riniko? Iye, wakasima nzeʋe, haaŋganzwi here? Iye, wakaʋumba ziso, haaŋgaʋoni here? Iye, unoraŋga ʋahedeni, haaŋgarairi here, Iye, unodzidzisa ʋanhu ziʋo? Jehova unoziʋa kufuŋga kwaʋanhu, Kuti haɀinamaturo.
Mapisarema 94:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)