TENZI muri Mwari anotsiva, imi Mwari anotsiva, zviratidzei. Simukai imi mutongi wapasi mupe vanozvikudza zvavanokodzerana nazvo. Nhai TENZI ko ivo vakaipa vachasvikira riniko kusvikira rini vakaipa vachizvitutumadza. Vanorutsa kutaura mashoko okuzvikudza. Vaiti vezvakaipa vose vanozvitutumadza. Vanopwanya vanhu venyu TENZI vanorwadzisa nhaka yenyu. Vanoponda kuuraya chirikadzi nomutorwa vachiuraya zvavo nherera. Vanoti TENZI haazvioni Mwari waJakobho haatarisi. Nzwisisaiwo imi matununu avanhu imi mapenzi muchangwara rinhiko? Ko iye akaita nzeve haakwanisi kunzwa here? Iye akaumba ziso angatadze kuona here? Iye anoranga marudzi haarangi here, iye anodzidzisa vanhu ruzivo? TENZI anoziva pfungwa dzavanhu kuti dzinongova femo zvaro.
Verenga chikamu Nziyo 94
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 94:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo