Haiwa Jehovha, imi Mwari anotsiva, haiwa Mwari iyemi munotsiva, penyai. Simukai, imi Mutongi wenyika; tsivai vanozvikudza zvakavafanira. Haiwa Jehovha, vakaipa vachasvika riniko, vachasvika riniko vakaipa vachingofara? Vanodurura mashoko okuzvikudza; vose vanoita zvakaipa vazere nokuzvirumbidza. Vanopwanya vanhu venyu, imi Jehovha, vanodzvinyirira nhaka yenyu. Vanouraya chirikadzi nomweni; vanoponda nherera. Vanoti, “Jehovha haaoni; Mwari waJakobho haana hanya.” Nzwisisai, imi vasina njere pakati pavanhu; imi mapenzi, muchava vakachenjera riniko? Ko, iye akasima nzeve, haanganzwi here? Iye akaumba ziso haangaoni here? Ko, iye anoranga ndudzi haangarangi here? Anodzidzisa vanhu angashayiwa zivo here? Jehovha anoziva mirangariro yavanhu; anoziva kuti haina maturo.
Verenga chikamu Mapisarema 94
Terera ku Mapisarema 94
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 94:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo