Jehovha, imi Mwari mutsivi, Imi Mwari mutsivi, penyai. Zvisimudzei, imi Mutongi wenyika; Ipai vanozvikudza sezvavakafanira. Jehovha, vakaipa vachafara kwazvo kusvikira riniko, Vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rini? Vanongotaura havo, vanotaura vachizvikudza, Vaiti vose vezvakaipa vanoita manyawi. Vanopwanya vanhu venyu, Jehovha, Vachitambudza nhaka yenyu. Vanouraya chirikadzi nomweni, Nenherera vanodziuraya. Vachiti, “Jehovha haazvioni, Mwari waJakobho haazvirangariri.” Rangarirai imi vasina njere pakati pavanhu; Nemi mapenzi, muchava vakachenjera riniko? Iye, akasima nzeve, haanganzwi here? Iye, akaumba ziso, haangaoni here? Iye, anoranga vahedheni, haangarairi here? Iye, anodzidzisa vanhu zivo? Jehovha anoziva kufunga kwavanhu, Kuti hazvina maturo.
Verenga chikamu Mapisarema 94
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 94:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo