Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 94:1-11

Mapisarema 94:1-11 SNA2002

Jehovha, imi Mwari mutsivi, Imi Mwari mutsivi, penyai. Zvisimudzei, imi Mutongi wenyika; Ipai vanozvikudza sezvavakafanira. Jehovha, vakaipa vachafara kwazvo kusvikira riniko, Vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rini? Vanongotaura havo, vanotaura vachizvikudza, Vaiti vose vezvakaipa vanoita manyawi. Vanopwanya vanhu venyu, Jehovha, Vachitambudza nhaka yenyu. Vanouraya chirikadzi nomweni, Nenherera vanodziuraya. Vachiti, “Jehovha haazvioni, Mwari waJakobho haazvirangariri.” Rangarirai imi vasina njere pakati pavanhu; Nemi mapenzi, muchava vakachenjera riniko? Iye, akasima nzeve, haanganzwi here? Iye, akaumba ziso, haangaoni here? Iye, anoranga vahedheni, haangarairi here? Iye, anodzidzisa vanhu zivo? Jehovha anoziva kufunga kwavanhu, Kuti hazvina maturo.