Mapisarema 58:1-11
Mapisarema 58:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munototaura zvakarurama here, imi vane simba, Munotongera vanakomana vavanhu zvakarurama here? Zvirokwazvo, mumwoyo menyu munoita zvakaipa; Munoyerera vanhu pasi pose kumanikidza kwamaoko enyu. Vakaipa vakava vatorwa kubva padumbu ramai; Vanotsauka vachangozvarwa, vachireva nhema. Uturu hwavo hwakafanana nouturu hwenyoka; Vakafanana nechiva chisinganzwi, chinodzivira nzeve yacho; Chisingateereri izwi ren'anga, Kunyange achiimba nouchenjeri hukuru. Mwari vhunai meno avo mumuromo mavo; Jehovha gurai meno makuru avana veshumba. Ngavapwe semvura inoyerera; Kana achishumba nemiseve yake, ngaive seyakagurika. Ngavafanane nehozhwa inonyakatika ichipera; Segambamwedzi romukadzi risina kuona zuva. Hari dzenyu dzisati dzanzwa moto neweminzwa, Iye achadzibvisa nachamupupuri nyama igere, nomoto pamwechete. Akarurama achafara kana achiona kutsiva; Achashambidza tsoka dzake muropa ravakaipa. Naizvozvo vanhu vachiti, “Zvirokwazvo mubayiro woakarurama uripo; Zvirokwazvo Mwari aripo, anotonga pasi pose.”
Mapisarema 58:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ko, imi vatongi munotaura mukururama here? Munotonga pakati pavanhu nokururamisira here? Kwete, munofunga kusaruramisira mumwoyo menyu, uye maoko enyu anomanikidza panyika. Kunyange kubvira pakuberekwa, vakaipa vanofamba mukutsauka; kubva mudumbu ramai, vakaipa uye vanoreva nhema. Uturu hwavo hwakaita souturu hwenyoka, vakafanana nemhakure yadzivira nzeve dzayo, isingateereri maimbiro enʼanga kunyange zvazvo achiimba nouchenjeri hukuru. Vhunai mazino mumiromo yavo, imi Mwari; bvisai, imi Jehovha, mazino marefu eshumba! Ngavatsakatike semvura yapera kuerera; pavanowembura uta, miseve yavo ngaigomare. Vafanane nehozhwa inonyakatika painofamba, kufanana negavamwedzi, ngavarege kuona zuva. Hari dzenyu dzisati dzanzwa kupisa kweminzwa pamoto, ingava minyoro kana yakaoma, vakaipa vachakukurwa. Vakarurama vachafara pavachatsivirwa, pavachashambidza tsoka dzavo muropa ravakaipa. Ipapo vanhu vachati, “Zvirokwazvo vakarurama vachiri kungowana mubayiro; zvirokwazvo Mwari ariko anotonga nyika.”
Mapisarema 58:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munototaura zvakarurama here, imi vane simba, Munotongera vanakomana vavanhu zvakarurama here? Zvirokwazvo, mumwoyo menyu munoita zvakaipa; Munoyerera vanhu pasi pose kumanikidza kwamaoko enyu. Vakaipa vakava vatorwa kubva padumbu ramai; Vanotsauka vachangozvarwa, vachireva nhema. Uturu hwavo hwakafanana nouturu hwenyoka; Vakafanana nechiva chisinganzwi, chinodzivira nzeve yacho; Chisingateereri izwi ren'anga, Kunyange achiimba nouchenjeri hukuru. Mwari vhunai meno avo mumuromo mavo; Jehovha gurai meno makuru avana veshumba. Ngavapwe semvura inoyerera; Kana achishumba nemiseve yake, ngaive seyakagurika. Ngavafanane nehozhwa inonyakatika ichipera; Segambamwedzi romukadzi risina kuona zuva. Hari dzenyu dzisati dzanzwa moto neweminzwa, Iye achadzibvisa nachamupupuri nyama igere, nomoto pamwechete. Akarurama achafara kana achiona kutsiva; Achashambidza tsoka dzake muropa ravakaipa. Naizvozvo vanhu vachiti, “Zvirokwazvo mubayiro woakarurama uripo; Zvirokwazvo Mwari aripo, anotonga pasi pose.”
Mapisarema 58:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Imi madzishe zvamunotema zvine ruenzaniso here? Munotonga vanhu zviri pamutsetse here? Kwete, imi mumwoyo menyu munoronga zvisina kunaka; munoita utsinye panyika namaoko enyu. Vakaipa vanotsauka kubvira mudumbu; vanokanganisa kubvira pakuberekwa kwavo vachitaura nhema. Vane uturu, uturu hunenge hwenyoka sechiva chinodzivira nzeve dzacho kuti chirege kunzwa izwi ravadaidzi wenyoka kana roujarijari hwamapipi okuimba. Mwari, tyoranisai mazino mukanwa mavo kwachurai TENZI mazino marefu eshumba dzechidiki. Ngavanyangarike semvura inoyerera; ngavatsikirirwe souswa vaune. Ngavaite sehozhwa inonyungudika kuita masiriri, semwana akaberekwa asina kusvika asingambofa akaona chiedza. Hari dzenyu dzisati dzambonzwa moto wetsotso dzeminzwa minyoro kana yakaoma Mwari ngaavatsvaire. Mururami achafara paanoona kutsividza ikoko. Achatoshamba zvake tsoka dzake muropa ravakaipa. Vanhu vachati chokwadi pane mubayiro wavarurami; chokwadi kuna Mwari anotonga panyika.
Mapisarema 58:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munototaura ɀakarurama here, imi ʋanesimba, Munotoŋgera ʋanakomana ʋaʋanhu ɀakarurama here? Ɀirokwaɀo, mumŋoyo menyu munoita ɀakaipa; Munoyerera ʋanhu pasi pose kumanikidza kwamaʋoko enyu. Ʋakaipa ʋakaʋa ʋatorwa kubva paɗumbu ramai; Ʋanotsauka ʋacaŋgoɀarwa, ʋacireʋa nhema. Ʋuturu bgaʋo bgakafanana noʋuturu bgenyoka; Ʋakafanana neciʋa cisiŋganzwi, cinodziʋira nzeʋe yaco; Cisiŋgatereri inzwi reŋaŋga, Kunyaŋge ʋacirapa noʋucenjeri ʋukuru. Mŋari vunai meno aʋo mumuromo maʋo; Jehova gurai meno makuru aʋana ʋeshumba. Ŋgaʋapxe semvura inoyerera; Kana acishumba nemiseʋe yake, ŋgaiʋe seyakagurika. Ŋgaʋafanane nehozhwe inonyakatika icipera; Segambamŋedzi romukadzi risinakuʋona zuʋa. Hari dzenyu dzisati dzanzwa mŋoto weminzwa, Iye ucadzibvisa necampupuri, nyama igere, nomŋoto pamŋe cete. Wakarurama ucafara kana aciʋona kutsiʋa; Ucashambidza tsoka dzake muropa raʋakaipa. Naiɀoɀo ʋanhu ʋacati: Ɀirokwaɀo muɓairo wowakarurama uri’po; Ɀirokwaɀo Mŋari uri’po, unotoŋga pasi pose.
Mapisarema 58:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)