Mapisarema 58
58
Vatongi vasina kururama ngavaparadzwe
Kumutungamiriri wokuimba; nomuimbirwo weAritasheti. Pisarema raDhavhidhi; rwiyo rweMikitami.
1Munototaura zvakarurama here, imi vane simba,
Munotongera vanakomana vavanhu
zvakarurama here?
2Zvirokwazvo, mumwoyo menyu munoita zvakaipa;
Munoyerera vanhu pasi pose
kumanikidza kwamaoko enyu.
3Vakaipa vakava vatorwa kubva
padumbu ramai;
Vanotsauka vachangozvarwa, vachireva nhema.
4Uturu hwavo hwakafanana nouturu hwenyoka;
Vakafanana nechiva chisinganzwi,
chinodzivira nzeve yacho;
5Chisingateereri izwi ren'anga,
Kunyange achiimba nouchenjeri hukuru.
6Mwari vhunai meno avo mumuromo mavo;
Jehovha gurai meno makuru avana veshumba.
7Ngavapwe semvura inoyerera;
Kana achishumba nemiseve yake,
ngaive seyakagurika.
8Ngavafanane nehozhwa inonyakatika ichipera;
Segambamwedzi romukadzi
risina kuona zuva.
9Hari dzenyu dzisati dzanzwa moto neweminzwa,
Iye achadzibvisa nachamupupuri
nyama igere, nomoto pamwechete.
10Akarurama achafara kana achiona kutsiva;
Achashambidza tsoka dzake muropa ravakaipa.
11Naizvozvo vanhu vachiti, “Zvirokwazvo
mubayiro woakarurama uripo;
Zvirokwazvo Mwari aripo, anotonga pasi pose.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 58: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002