Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 58:1-11

Mapisarema 58:1-11 SUB1949

Munototaura ɀakarurama here, imi ʋanesimba, Munotoŋgera ʋanakomana ʋaʋanhu ɀakarurama here? Ɀirokwaɀo, mumŋoyo menyu munoita ɀakaipa; Munoyerera ʋanhu pasi pose kumanikidza kwamaʋoko enyu. Ʋakaipa ʋakaʋa ʋatorwa kubva paɗumbu ramai; Ʋanotsauka ʋacaŋgoɀarwa, ʋacireʋa nhema. Ʋuturu bgaʋo bgakafanana noʋuturu bgenyoka; Ʋakafanana neciʋa cisiŋganzwi, cinodziʋira nzeʋe yaco; Cisiŋgatereri inzwi reŋaŋga, Kunyaŋge ʋacirapa noʋucenjeri ʋukuru. Mŋari vunai meno aʋo mumuromo maʋo; Jehova gurai meno makuru aʋana ʋeshumba. Ŋgaʋapxe semvura inoyerera; Kana acishumba nemiseʋe yake, ŋgaiʋe seyakagurika. Ŋgaʋafanane nehozhwe inonyakatika icipera; Segambamŋedzi romukadzi risinakuʋona zuʋa. Hari dzenyu dzisati dzanzwa mŋoto weminzwa, Iye ucadzibvisa necampupuri, nyama igere, nomŋoto pamŋe cete. Wakarurama ucafara kana aciʋona kutsiʋa; Ucashambidza tsoka dzake muropa raʋakaipa. Naiɀoɀo ʋanhu ʋacati: Ɀirokwaɀo muɓairo wowakarurama uri’po; Ɀirokwaɀo Mŋari uri’po, unotoŋga pasi pose.