Mapisarema 55:1-14
Mapisarema 55:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, imi Mwari; regai kushaya hanya nokukumbira kwangu; ndinzwei, uye ndipindureiwo. Pfungwa dzangu dzinondinetsa uye ndiri kushushikana, pandinonzwa inzwi romuvengi wangu, pandinodzvokorwa navakaipa; nokuti vanodururira matambudziko pamusoro pangu, uye vanondituka mukutsamwa kwavo. Mwoyo wangu unorwadziwa mukati mangu; kutyisa kworufu kunondiwira. Kutya nokudedera zvakandibata; kutya kukuru kwakandifukidza. Ini ndakati, “Haiwa, dai ndina mapapiro enjiva! Ndaibhururukira kure ndikandozorora hangu, ndaitizira kure kwazvo, ndikandogara mugwenga; Sera ndaikurumidza kundovanda panzvimbo yangu, kure nemafungu nedutu.” Nyonganisai vakaipa, imi Ishe, kanganisai mutauro wavo, nokuti ndinoona mhirizhonga nokurwa muguta. Masikati nousiku vanopoterera masvingo aro chinyararire; utsinye nokumanikidza zviri mukati maro. Masimba okuparadza azere muguta; kutyisidzira nenhema hazvibvi munzira dzaro. Dai ndatukwa nomuvengi, ndaigona kushinga hangu; dai muvengi aindimukira, ndaigona kumuvanda hangu. Asi ndiwe, munhu akaita seni, mumwe wangu, shamwari yangu yapedyo, yandaimbofarira kuwadzana nayo pataifamba navazhinji mumba maMwari.
Mapisarema 55:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, Mwari; Regai kuzvivanza pakukumbira kwangu. Nditeererei, mundipindure; Ndinoshaiwa zororo mukuchema kwangu, ndichiuura; Nokuda kwezwi romuvengi, Nokuda kwokumanikidza kwoakaipa; Nokuti vanondipomera zvakaipa, Vanonditambudza nokutsamwa kwavo. Mwoyo wangu unorwadziwa kwazvo mukati mangu; Garudzo rorufu rakandiwira, Kutya nokubvunda zvakandiwira. Kutya kukuru kwakandifukidza. Ini ndakati, “Haiwa, dai ndaiva namapapiro senjiva! Ndaibhururuka, ndikandozorora. Tarirai, ndingadai ndaitizira kure, Ndaindogara kurenje. Ndaikurumidza kundovanda, Nditize mhepo inovhuvhuta nedutu guru.” Paradzai, Ishe mukanganise marimi avo; Nokuti ndakaona kumanikidza nokurwa muguta. Masikati nohusiku vanoripoteredza pamasvingo aro; Zvakaipawo nezvakashata zviri mukati maro. Kushata kuri pakati paro; Kumanikidza nokunyengera hazvibvi panzira dzaro. Nokuti akanga asi muvengi akandishora; Ipapo ndaigona kutsunga; Akanga asi iye aindivenga akazvikudza kwandiri; Ipapo ndaimuvanda. Asi wakanga uriwe, munhu wakaenzana neni, Shamwari yangu, nomuzikani wangu. Taisirangana zvakanaka, Taifamba mumba maMwari pamwechete navanhu vazhinji.
Mapisarema 55:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Inzwaiwo munamato wangu, Mwari; musavande chikumbiro changu. Nditeererei mundipindurewo, nhamo yangu yandiomera. Ndadumbirwa ini noruzha rwavavengi pamusana poudzvinyiriri hwavakaipa vanondiunzira nhamo. Vanoita daka neni zvine hasha. Ndinoshunguridzika mwoyo mukati mangu, ndawirwa nokutya rufu. Kutya nokudedera zvauya pandiri. Ndabatwa nokutya kwakanyanya. Nezvo ndinoti dai zvangu ndiina mapapiro senjiva, ndaibhururuka ndikandozorora. Ndaibhururukira kure ndichindogara kurenje. Dzepfunde Ndaikurumidza kundozvitsvagira pokuvanda mhepo inovhuvhuta nesimba nedutu guru. TENZI paradzanisai mupesanise ndimi dzavo nokuti ndinoona utsinye nokurwisana muguta. Siku nesikati vanoritenderera napamusoro pemasvingo aro. Unhunzvatunzva nokunetsa zvirimo. Mune kuparadza mukati maro; uye udzvinyiriri nounyengedzi hazvibvi pamusika pavo. Dai kuri kuti muvengi anondisokosa, ndaitirira zvangu. Dai kuri kuti imhandu inondisora, ndaikwanisa kuivanda. Asi kuti ndiwe wezera neni, mumwe wangu shamwari yangu chaiyo. Taimbokurukurirana zvakanaka kwazvo. Tichifamba tose noushamwari mumba yaMwari.
Mapisarema 55:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Rerekerai nzeʋe yenyu kumunyeŋgetero wangu, Mŋari; Regai kuɀiʋanza pakukumbira kwaŋgu. Nditererei, mundipindure; Ndinoshaiwa zororo mukucema kwaŋgu, ndiciʋuʋura; Nokuɗa kwenzwi romuʋeŋgi, Nokuɗa kwokumanikidza kwowakaipa; Nokuti ʋanondipomera ɀakaipa, Ʋanonditambudza nokutsamŋa kwaʋo. Mŋoyo waŋgu unorwadziwa kwaɀo mukati maŋgu; Garudzo rorufu rakandiwira, Kutya nokubvunda ɀakandiwira. Kutya kukuru kwakandifukidza. Ini ndikati: Haiwa, ɗayi ndaiʋa namapapiro senjiʋa! Ndaibururuka, ndikandozorora. Tarirai, ndiŋgaɗayi ndaitizira kure, Ndaindogara kurenje. Ndaikurumidza kundoʋanda, Nditize mhepo inovuvuta neɗutu guru. Paradzai, Ishe, mukaŋganise marimi aʋo; Nokuti ndakaʋona kumanikidza nokurwa muguta. Masikati noʋusiku ʋanoripoteredza pamaȿiŋgo aro; Ɀakaipa ʋo neɀakashata ɀiri mukati maro. Kushata kuri pakati paro; Kumanikidza nokunyeŋgera haɀibvi panzira dzaro. Nokuti wakaŋga asi muʋeŋgi wakandishoʋora; Ipapo ndaigona kutsuŋga; Wakaŋga asi iye waindiʋeŋga wakaɀikudza kwandiri; Ipapo ndaimuʋanda. Asi wakaŋga uri’we, munhu wakaenzana neni, Shamŋari yaŋgu, nomuzikani waŋgu. Taisiraŋgana ɀakanaka, Taifamba mumba maMŋari pamŋe cete naʋanhu ʋazhinji.
Mapisarema 55:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)