Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 55:1-14

Nziyo 55:1-14 SCLBD

Inzwaiwo munamato wangu, Mwari; musavande chikumbiro changu. Nditeererei mundipindurewo, nhamo yangu yandiomera. Ndadumbirwa ini noruzha rwavavengi pamusana poudzvinyiriri hwavakaipa vanondiunzira nhamo. Vanoita daka neni zvine hasha. Ndinoshunguridzika mwoyo mukati mangu, ndawirwa nokutya rufu. Kutya nokudedera zvauya pandiri. Ndabatwa nokutya kwakanyanya. Nezvo ndinoti dai zvangu ndiina mapapiro senjiva, ndaibhururuka ndikandozorora. Ndaibhururukira kure ndichindogara kurenje. Dzepfunde Ndaikurumidza kundozvitsvagira pokuvanda mhepo inovhuvhuta nesimba nedutu guru. TENZI paradzanisai mupesanise ndimi dzavo nokuti ndinoona utsinye nokurwisana muguta. Siku nesikati vanoritenderera napamusoro pemasvingo aro. Unhunzvatunzva nokunetsa zvirimo. Mune kuparadza mukati maro; uye udzvinyiriri nounyengedzi hazvibvi pamusika pavo. Dai kuri kuti muvengi anondisokosa, ndaitirira zvangu. Dai kuri kuti imhandu inondisora, ndaikwanisa kuivanda. Asi kuti ndiwe wezera neni, mumwe wangu shamwari yangu chaiyo. Taimbokurukurirana zvakanaka kwazvo. Tichifamba tose noushamwari mumba yaMwari.

Verenga chikamu Nziyo 55