Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 55:1-14

Mapisarema 55:1-14 SNA2002

Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, Mwari; Regai kuzvivanza pakukumbira kwangu. Nditeererei, mundipindure; Ndinoshaiwa zororo mukuchema kwangu, ndichiuura; Nokuda kwezwi romuvengi, Nokuda kwokumanikidza kwoakaipa; Nokuti vanondipomera zvakaipa, Vanonditambudza nokutsamwa kwavo. Mwoyo wangu unorwadziwa kwazvo mukati mangu; Garudzo rorufu rakandiwira, Kutya nokubvunda zvakandiwira. Kutya kukuru kwakandifukidza. Ini ndakati, “Haiwa, dai ndaiva namapapiro senjiva! Ndaibhururuka, ndikandozorora. Tarirai, ndingadai ndaitizira kure, Ndaindogara kurenje. Ndaikurumidza kundovanda, Nditize mhepo inovhuvhuta nedutu guru.” Paradzai, Ishe mukanganise marimi avo; Nokuti ndakaona kumanikidza nokurwa muguta. Masikati nohusiku vanoripoteredza pamasvingo aro; Zvakaipawo nezvakashata zviri mukati maro. Kushata kuri pakati paro; Kumanikidza nokunyengera hazvibvi panzira dzaro. Nokuti akanga asi muvengi akandishora; Ipapo ndaigona kutsunga; Akanga asi iye aindivenga akazvikudza kwandiri; Ipapo ndaimuvanda. Asi wakanga uriwe, munhu wakaenzana neni, Shamwari yangu, nomuzikani wangu. Taisirangana zvakanaka, Taifamba mumba maMwari pamwechete navanhu vazhinji.