Rerekerai nzeʋe yenyu kumunyeŋgetero wangu, Mŋari; Regai kuɀiʋanza pakukumbira kwaŋgu. Nditererei, mundipindure; Ndinoshaiwa zororo mukucema kwaŋgu, ndiciʋuʋura; Nokuɗa kwenzwi romuʋeŋgi, Nokuɗa kwokumanikidza kwowakaipa; Nokuti ʋanondipomera ɀakaipa, Ʋanonditambudza nokutsamŋa kwaʋo. Mŋoyo waŋgu unorwadziwa kwaɀo mukati maŋgu; Garudzo rorufu rakandiwira, Kutya nokubvunda ɀakandiwira. Kutya kukuru kwakandifukidza. Ini ndikati: Haiwa, ɗayi ndaiʋa namapapiro senjiʋa! Ndaibururuka, ndikandozorora. Tarirai, ndiŋgaɗayi ndaitizira kure, Ndaindogara kurenje. Ndaikurumidza kundoʋanda, Nditize mhepo inovuvuta neɗutu guru. Paradzai, Ishe, mukaŋganise marimi aʋo; Nokuti ndakaʋona kumanikidza nokurwa muguta. Masikati noʋusiku ʋanoripoteredza pamaȿiŋgo aro; Ɀakaipa ʋo neɀakashata ɀiri mukati maro. Kushata kuri pakati paro; Kumanikidza nokunyeŋgera haɀibvi panzira dzaro. Nokuti wakaŋga asi muʋeŋgi wakandishoʋora; Ipapo ndaigona kutsuŋga; Wakaŋga asi iye waindiʋeŋga wakaɀikudza kwandiri; Ipapo ndaimuʋanda. Asi wakaŋga uri’we, munhu wakaenzana neni, Shamŋari yaŋgu, nomuzikani waŋgu. Taisiraŋgana ɀakanaka, Taifamba mumba maMŋari pamŋe cete naʋanhu ʋazhinji.
Verenga chikamu Mapisarema 55
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 55:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo