Mapisarema 52:1-9
Mapisarema 52:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ko, unozvikudzirei pane zvakaipa, iwe murume wesimba? Unozvikudzirei zuva rose, iyewe unonyadzisa pamberi paMwari? Rurimi rwako runofarira zvokuparadza; rwakaita sechisvo chakarodzwa, iyewe unogara uchingonyengera. Unoda zvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka, kureva nhema pachinzvimbo chokutaura chokwadi. Sera Unoda shoko rimwe nerimwe rinoparadza, iwe rurimi runonyengera! Zvirokwazvo Mwari achakuburutsira kukuparadzwa kusingaperi: Achakubvuta agokubvisa mutende rako; achakudzura kubva munyika yavapenyu. Sera Vakarurama vachazviona uye vachatya; vachamuseka vachiti, “Houno zvino munhu asina kuita Mwari nhare yake, asi aivimba nepfuma yake zhinji, uye aisimba nokuparadza vamwe!” Asi ini ndakaita somuti womuorivhi unokura zvakanaka mumba maMwari; ndinovimba norudo rusingaperi rwaMwari, nokusingaperi-peri. Ndichakurumbidzai, nokusingaperi nokuda kwezvamakaita; ndichavimba nezita renyu, nokuti zita renyu rakanaka. Ndichakurumbidzai pamberi pavatsvene venyu.
Mapisarema 52:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Unozvirumbidzireiko nezvakashata, iwe mhare? Tsitsi dzaMwari dziripo misi yose. Rurimi rwako runofunga kutaura zvakaipa; Rwakafanana nechisvo chinopinza, ruchiita zvinonyengera. Unoda zvakaipa kupfuura zvakanaka; Nokureva nhema kupfuura kutaura zvakarurama. Unoda mashoko ose okuparadza, Iwe rurimi runonyengera. Mwari achakuparadzawo saizvozvo nokusingaperi, Achakubata akakubvisa patende rako, Nokukudzura panyika yavapenyu. Vakarurama vachazviona vakatya, Vachamuseka, vachiti, “Tarirai, hoyu munhu asina kuita Mwari nhare yake, Asi akavimba nokuwanda kwepfuma yake, Akazvisimbisa pazvakaipa zvake.” Asi kana ndirini, ndakafanana nomuorivhi munyoro muimba yaMwari; Ndinovimba netsitsi dzaMwari nokusingaperi-peri. Ndichakuvongai nokusingaperi, nokuti ndimi makazviita; Ndichamirira zita renyu pamberi pavatsvene venyu nokuti rakanaka.
Mapisarema 52:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nhai iwe gamba unozvikudzireiko nezvakaipa uchiti Mwari akanaka misi yose. Saka zuva rose uchitoronga zvako zvokuparadza. Rurimi rwako rwakaita sechisvo chinopinza, iwe murongi wounyengedzi. Unoda zvakaipa kupinda zvakanaka, unoda nhema kupinda kutaura zvakarurama. Dzepfunde Unoda mazwi anokuvadza iwe munyengedzi. Asi Mwari achakukoromora nokusingaperi achakubata agokubvuta mutendhe rako. Achakutipura kubva munyika yavapenyu. Dzepfunde Vakarurama vachizviona vachakatyamara vakamuseka vachiti, “Tarisai muone munhu asina kuda kupotera muna Mwari; asi akavimba nokuwanda kwoupfumi hwake akapotera muupfumi hwake.” Asi ini ndakaita somuorivhi munyoro mumba maMwari. Ndinovimba nemwoyochena waMwari narini narini. Ndichakutendai nokusingaperi nokuti makazviita. Ndicharumbidza zita renyu pana vakarurama nokuti rakanaka.
Mapisarema 52:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unoɀirumbidzireiko neɀakashata, iwe mhare? Tsitsi dzaMŋari dziri’po misi yose. Rurimi rwako runofuŋga kutaura ɀakaipa; Rwakafanana neciȿo cinopinza, ruciita ɀinonyeŋgera. Unoɗa ɀakaipa kupfuʋura ɀakanaka; Nokureʋa nhema kupfuʋura kutaura ɀakarurama. Unoɗa mashoko ose okuparadza, Iwe rurimi runonyeŋgera. Mŋari ucakuparadza ʋo saiɀoɀo nokusiŋgaperi, Ucakuɓata akakubvisa patente rako, Nokukudzura panyika yaʋapenyu. Ʋakarurama ʋacaɀiʋona ʋakatya, Ʋacamuseka, ʋaciti: Tarirai, hoyu munhu usina‐kuita Mŋari nhare yake, Asi wakaʋimba nokuwanda kwefuma yake, Akaɀisimbisa paɀakaipa ɀake. Asi kana ndiri’ni, ndakafanana nomuorivi munyoro muimba yaMŋari; Ndinoʋimba netsitsi dzaMŋari nokusiŋgaperi‐peri. Ndicakuʋoŋgai nokusiŋgaperi, nokuti ndi’mi makaɀiita; Ndicamirira zita renyu pamberi paʋatȿene ʋenyu nokuti rakanaka.
Mapisarema 52:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)