Unoɀirumbidzireiko neɀakashata, iwe mhare? Tsitsi dzaMŋari dziri’po misi yose. Rurimi rwako runofuŋga kutaura ɀakaipa; Rwakafanana neciȿo cinopinza, ruciita ɀinonyeŋgera. Unoɗa ɀakaipa kupfuʋura ɀakanaka; Nokureʋa nhema kupfuʋura kutaura ɀakarurama. Unoɗa mashoko ose okuparadza, Iwe rurimi runonyeŋgera. Mŋari ucakuparadza ʋo saiɀoɀo nokusiŋgaperi, Ucakuɓata akakubvisa patente rako, Nokukudzura panyika yaʋapenyu. Ʋakarurama ʋacaɀiʋona ʋakatya, Ʋacamuseka, ʋaciti: Tarirai, hoyu munhu usina‐kuita Mŋari nhare yake, Asi wakaʋimba nokuwanda kwefuma yake, Akaɀisimbisa paɀakaipa ɀake. Asi kana ndiri’ni, ndakafanana nomuorivi munyoro muimba yaMŋari; Ndinoʋimba netsitsi dzaMŋari nokusiŋgaperi‐peri. Ndicakuʋoŋgai nokusiŋgaperi, nokuti ndi’mi makaɀiita; Ndicamirira zita renyu pamberi paʋatȿene ʋenyu nokuti rakanaka.
Verenga chikamu Mapisarema 52
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 52:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo