Nhai iwe gamba unozvikudzireiko nezvakaipa uchiti Mwari akanaka misi yose. Saka zuva rose uchitoronga zvako zvokuparadza. Rurimi rwako rwakaita sechisvo chinopinza, iwe murongi wounyengedzi. Unoda zvakaipa kupinda zvakanaka, unoda nhema kupinda kutaura zvakarurama. Dzepfunde Unoda mazwi anokuvadza iwe munyengedzi. Asi Mwari achakukoromora nokusingaperi achakubata agokubvuta mutendhe rako. Achakutipura kubva munyika yavapenyu. Dzepfunde Vakarurama vachizviona vachakatyamara vakamuseka vachiti, “Tarisai muone munhu asina kuda kupotera muna Mwari; asi akavimba nokuwanda kwoupfumi hwake akapotera muupfumi hwake.” Asi ini ndakaita somuorivhi munyoro mumba maMwari. Ndinovimba nemwoyochena waMwari narini narini. Ndichakutendai nokusingaperi nokuti makazviita. Ndicharumbidza zita renyu pana vakarurama nokuti rakanaka.
Verenga chikamu Nziyo 52
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 52:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo