Mapisarema 48:1-14
Mapisarema 48:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo, muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene. Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose. Sokumusoro-soro kweZafoni, ndizvo zvakaita Gomo reZioni, guta raMambo Mukuru. Mwari ari munhare dzaro; akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro. Madzimambo akati abatanidza mauto, vakati vafamba pamwe chete kundorwa, vakariona vakashamiswa; vakatiza nokutya. Vakabatwa nokudedera ipapo, nokurwadziwa sekwomukadzi osununguka. Makavaparadza sezvakaitwa zvikepe zveTashishi, zvakaputswa-putswa nemhepo yokumabvazuva. Sezvatakanzwa, ndizvo zvataona, muguta raJehovha Wamasimba Ose, muguta raMwari wedu: Mwari anorisimbisa nokusingaperi. Sera Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari, tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi. Sezvakaita zita renyu, imi Mwari, kurumbidzwa kwenyu kunosvika kumagumo enyika; ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama. Gomo reZioni rinofarisisa, misha yeJudha inofara nokuda kwokutonga kwenyu. Famba-fambai muZioni, ripoteredzei, verengai shongwe dzaro, fungisisai zvakanaka nezvamasvingo aro, cherechedzai nhare dzaro, kuti mugotaura nezvazvo kuchizvarwa chinotevera. Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri; iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo.
Mapisarema 48:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha mukuru, anofanira kurumbidzwa kwazvo, Muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene. Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wapasi pose, Ndizvo zvakaita gomo reZioni, pamativi okumusoro, Ndizvo zvakaita guta raMambo mukuru. Padzimba dzaro dzamambo Mwari wakazviratidza kuti ndiye nhare. Nokuti tarirai, madzimambo akaungana, Akapfuura pamwechete. Vakariona, vakashamiswa; Vakavhunduka, vakakurumidza kutiza. Vakabatwapo nokudedera; Nokurwadziwa, somukadzi anopona. Munoputsa zvikepe zveTarishishi, Nemhepo, inobva mabvazuva. Sezvatakanzwa, ndizvo zvatakaona Paguta raJehovha wehondo, iro guta raMwari wedu; Mwari acharisimbisa nokusingaperi. Takafunga unyoro hwenyu, Mwari, Mukati metemberi yenyu. Sezvakaita zita renyu, Mwari, Ndizvo zvakaitawo kurumbidzwa kwenyu kusvikira kumigumo yapasi pose; Ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama. Gomo reZioni ngarifare, Vakunda vaJudha ngavafare kwazvo, Nokuda kwezvamakatonga. Poteredzai Zioni, mupote naro, Muverenge shongwe dzaro. Cherekedzai zvakanaka nhare dzaro, Fambai pakati pedzimba dzaro dzamambo; Kuti muzoudza vazukuru venyu vanotevera. Nokuti Mwari ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri; Iye achava muperekedzi wedu kusvikira pakufa.
Mapisarema 48:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI mukuru anofanira kurumbidzwa zvikuru muguta raMwari wedu, mugomo rake rinoera. Kuti dzu-u kwaro kunoyevedza, rinopa rufaro pasi pose. Iro gomo reZioni riri kuchamhembe iguta ramambo mukuru. Mukati nhare dzaro dzokuzvidzivirira muhondo, Mwari akaratidza kuti ndiye mudziviriri wechokwadi nokuti tarisai muone madzimambo akakokorodzana, vakauya kuzoita chirwirangwe. Pavakazviona izvi, vakadumbirwa kwazvo zvakavatyisa ndokubva vati ware kutiza. Vakadedera ipapo vakarwadziwa somudzimai ari pahata. Makaparadza ngarava dzokuTarishishi nedutu rokumabvazuva. Zvatakanzwa ndizvo zvatakaonawo muguta raTENZI wehondo nehondo, muguta raMwari wedu Mwari acharisimbisa nokusingaperi. Dzepfunde Mukati meTemberi yenyu, Mwari, tinorangarira nezvomwoyochena wenyu. Sezvakangoita zita renyu Mwari, ndizvozvo zvakaita mbiri yenyu inosvika kwakaperera nyika. Ruoko rwenyu rworudyi rwuzere nokururama ngarifare. Guta rapagomo reZioni ngarifare. Tumaguta twokwaJudha ngatufare pamusana pokutonga kwenyu. Famba fambai neguta reZioni, tendererai naro muverenge nharire dzaro. Nyatsoongororai tsvingo dzaro munyatsotarisa nharo dzaro dzokuzvidzivirira nadzo muhondo kuti mozoudza chizvarwa chinotevera nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu narini narini; ndiye achatitungamirira narini narini.
Mapisarema 48:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova mukuru, unofanira kurumbidzwa kwaɀo, Muguta raMŋari weɗu, mugomo rake dɀene. Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wapasi pose, Ndiɀo ɀakaita gomo reZioni, pamatiʋi okumsoro, Ndiɀo ɀakaita guta raMambo mukuru. Padzimba dzaro dzamambo Mŋari wakaɀiratidza kuti ndiye nhare. Nokuti tarirai, madzimambo akaʋuŋgana, Akapfuʋura pamŋe cete. Ʋakariʋona, ʋakashamiswa; Ʋakavunduka, ʋakakurumidza kutiza. Ʋakaɓatwa’po nokuɗeɗera; Nokurwadziwa, somukadzi unopona. Munoputsa ɀikepe ɀeTarshishi, Nemhepo, inobva mabvazuʋa. Seɀatakanzwa, ndiɀo ɀatakaʋona Paguta raJehova wehondo, iro guta raMŋari weɗu; Mŋari ucarisimbisa nokusiŋgaperi. Takafuŋga ʋunyoro bgenyu, Mŋari, Mukati metembere yenyu. Seɀakaita zita renyu, Mŋari, Ndiɀo ɀakaita ʋo kurumbidzwa kwenyu kuȿikira kumigumo yapasi pose; Ruʋoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama. Gomo reZioni ŋgarifare, Ʋakunda ʋaJuda ŋgaʋafare kwaɀo, Nokuɗa kweɀamakatoŋga. Poteredzai Zioni, mupote naro, Muʋereŋge shoŋgwe dzaro. Cerekedzai ɀakanaka nhare dzaro, Fambai pakati pedzimba dzaro dzamambo; Kuti muzoʋudza ʋazukuru ʋenyu ʋanoteʋera. Nokuti Mŋari uyu ndiye Mŋari weɗu nokusiŋgaperi‐peri; Iye ucaʋa muperekedzi weɗu kuȿikira pakufa.
Mapisarema 48:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)