Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 48:1-14

Nziyo 48:1-14 SCLBD

TENZI mukuru anofanira kurumbidzwa zvikuru muguta raMwari wedu, mugomo rake rinoera. Kuti dzu-u kwaro kunoyevedza, rinopa rufaro pasi pose. Iro gomo reZioni riri kuchamhembe iguta ramambo mukuru. Mukati nhare dzaro dzokuzvidzivirira muhondo, Mwari akaratidza kuti ndiye mudziviriri wechokwadi nokuti tarisai muone madzimambo akakokorodzana, vakauya kuzoita chirwirangwe. Pavakazviona izvi, vakadumbirwa kwazvo zvakavatyisa ndokubva vati ware kutiza. Vakadedera ipapo vakarwadziwa somudzimai ari pahata. Makaparadza ngarava dzokuTarishishi nedutu rokumabvazuva. Zvatakanzwa ndizvo zvatakaonawo muguta raTENZI wehondo nehondo, muguta raMwari wedu Mwari acharisimbisa nokusingaperi. Dzepfunde Mukati meTemberi yenyu, Mwari, tinorangarira nezvomwoyochena wenyu. Sezvakangoita zita renyu Mwari, ndizvozvo zvakaita mbiri yenyu inosvika kwakaperera nyika. Ruoko rwenyu rworudyi rwuzere nokururama ngarifare. Guta rapagomo reZioni ngarifare. Tumaguta twokwaJudha ngatufare pamusana pokutonga kwenyu. Famba fambai neguta reZioni, tendererai naro muverenge nharire dzaro. Nyatsoongororai tsvingo dzaro munyatsotarisa nharo dzaro dzokuzvidzivirira nadzo muhondo kuti mozoudza chizvarwa chinotevera nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu narini narini; ndiye achatitungamirira narini narini.

Verenga chikamu Nziyo 48