Jehova mukuru, unofanira kurumbidzwa kwaɀo,
Muguta raMŋari weɗu, mugomo rake dɀene.
Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wapasi pose,
Ndiɀo ɀakaita gomo reZioni, pamatiʋi okumsoro,
Ndiɀo ɀakaita guta raMambo mukuru.
Padzimba dzaro dzamambo Mŋari wakaɀiratidza kuti ndiye nhare.
Nokuti tarirai, madzimambo akaʋuŋgana,
Akapfuʋura pamŋe cete.
Ʋakariʋona, ʋakashamiswa;
Ʋakavunduka, ʋakakurumidza kutiza.
Ʋakaɓatwa’po nokuɗeɗera;
Nokurwadziwa, somukadzi unopona.
Munoputsa ɀikepe ɀeTarshishi,
Nemhepo, inobva mabvazuʋa.
Seɀatakanzwa, ndiɀo ɀatakaʋona
Paguta raJehova wehondo, iro guta raMŋari weɗu;
Mŋari ucarisimbisa nokusiŋgaperi.
Takafuŋga ʋunyoro bgenyu, Mŋari,
Mukati metembere yenyu.
Seɀakaita zita renyu, Mŋari,
Ndiɀo ɀakaita ʋo kurumbidzwa kwenyu kuȿikira kumigumo yapasi pose;
Ruʋoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama.
Gomo reZioni ŋgarifare,
Ʋakunda ʋaJuda ŋgaʋafare kwaɀo,
Nokuɗa kweɀamakatoŋga.
Poteredzai Zioni, mupote naro,
Muʋereŋge shoŋgwe dzaro.
Cerekedzai ɀakanaka nhare dzaro,
Fambai pakati pedzimba dzaro dzamambo;
Kuti muzoʋudza ʋazukuru ʋenyu ʋanoteʋera.
Nokuti Mŋari uyu ndiye Mŋari weɗu nokusiŋgaperi‐peri;
Iye ucaʋa muperekedzi weɗu kuȿikira pakufa.