Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 38:1-22

Mapisarema 38:1-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu; Musandiranga nokusafara kwenyu kukuru. Nokuti miseve yenyu yandibaya, Ruoko rwenyu runonditsikirira kwazvo. Hakuchina hukukutu panyama yangu nokuda kwehasha dzenyu; Uye hapachina mufaro pamapfupa angu nokuda kwechivi changu. Nokuti zvakaipa zvangu zvafukidza musoro wangu; Zvinondiremera somutoro unorema. Maronda angu anonhuwa, akaora, Nokuda kwohupenzi hwangu. Ndakakombamiswa, ndakakotamiswa kwazvo, Ndinofamba ndichichema zuva rose. Nokuti chiuno changu chinopisa zvikuru; Hakuchina hukukutu panyama yangu. Ndakati rukutu, ndavhunika kwazvo; Ndakagomera nokuda kwokutambudzika kwomwoyo wangu. Ishe, zvose zvinoda mwoyo wangu zviri pamberi penyu; Hamuna kuvanzirwa kugomba kwangu. Mwoyo wangu unopfura, ndapererwa nesimba rangu; Kana chiri chiedza chameso angu, naicho chabva kwandiri. Vanondida, neshamwari dzangu, vanomira kure nokuda kwehosha yangu; Uye hama dzangu dzimire kure. Vanotsvaka upenyu hwangu vanonditeyira misungo; Uye vanotsvaka kundikuvadza vanotaura zvokuparadzwa kwangu, Asi vanofunga kundinyengera zuva rose. Asi ini ndakafanana nematsi, handinzwi; Ndakafanana nembeveve isingashamisi muromo wayo. Zvirokwazvo, ndakafanana nomunhu asinganzwi, Asina mhinduro pamuromo wake. Nokuti ndimi, Jehovha, wandinotarira; Imi muchapindura, Jehovha Mwari wangu. Nokuti ndakati, “Ngaavarege kufara pamusoro pangu; Kana rutsoka rwangu ruchitedzemuka, vanozvikudza pamusoro pangu.” Nokuti ndinovavarira kugumburwa, Uye njodzi yangu iri pamberi pangu nguva dzose. Nokuti ndichazvireurura zvakaipa zvangu; Ndichachema zvivi zvangu. Asi vavengi vangu vakasvinuka, vane simba; Uye vanondivenga ndisina mhosva vawanda. Naivowo vanotsiva zvakaipa nezvakanaka, Ndivo vadzivisi vangu, nokuti ndinotevera chinhu chakanaka. Regai kundisiya, Jehovha; Mwari wangu, regai kuva kure neni. Kurumidzai kundibatsira, Ishe, imi muponesi wangu.

Mapisarema 38:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

TENZI regai kunditsiura muine hasha, musandirove makashatirwa nokuti miseve yenyu yanyatsondibaya kwazvo. Shamhu yoruoko rwenyu yakandirova. Hapana pachiri papenyu mumuviri wangu pamusana pokushatirwa kwenyu. Mumapfupa angu hamuna utano pamusana pechitadzo changu nokuti uipi hwanditi momote musoro, hunondiremera somutoro wandisingagoni kutakura. Maronda angu ava kuora uye avakunhuhwa pamusana poupenzi hwangu. Ndanyatsoti kokova, ndakombama ndinofamba ndichiungudza zuva rose. Muchiuno mangu muri kundipisa, hapana papenyu mumuviri wangu. Ndachiti rukutu ndapera basa ini. Ndinowuwura nokuda kwokushushika kwangu mumwoyo. TENZI zvandinosuwira munozviziva kugomera kwangu kuri pachena kwamuri. Hana yangu inorova, uye ndapera simba, maziso anguwo avakuonera madzerere. Hama neshamwari dzavakumirira kure neni nokuda kwechirwere changu. Vapadyo vava kutaramukana neni. Vanoda kundiuraya vanonditeya vanoda kundikuvadza vanotaurirana zvokundiparadza vanoswerondirangana zuva rose. Asi ini ndinoita zvangu samatsi asinganzwi sechimumumu chisingatauri. Chokwadi ndinoita samatsi anomukanwa musina gakava. Asi ini ndinotarisira kwamuri TENZI asi imi TENZI Mwari wangu ndimi muchapindura nokuti ndinoti, “Ngavarege kunditsvinyira vanondidadira kana ndatsvedza.” Ndavakuda kuputsika uye ndiri kuramba ndichirwadziwa. Ndinoreurura zvitadzo zvangu ndine urombo nechivi changu. Vavengi vangu vapenyupenyu vakawanda uye vanondivenga, pasina mhosva, vazhinji. Vanondiitira zvakaipa, ini ndichivaitira zvakanaka, vanondivenga nokuti ndinoita zvakanaka. Musandirasewo TENZI, Mwari wangu musave kure neni. Kurumidzai kuzondibatsira Imi TENZI muponesi wangu.

Mapisarema 38:1-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Haiwa Jehovha, musandirayira mukutsamwa kwenyu kana kundiranga muhasha dzenyu. Nokuti miseve yenyu yandibaya, uye ruoko rwenyu rwawira pamusoro pangu. Mumuviri mangu hamuchina utano nokuda kwehasha dzenyu; mapfupa angu apera simba nokuda kwechivi changu. Mhosva yangu yandiremera somutoro unorema kwazvo kuutakura. Maronda angu aora uye anosemesa nokuda kwoupenzi hwokutadza kwangu. Ndakotamiswa uye ndaderedzwa kwazvo; ndinofamba ndichichema zuva rose. Musana wangu wazara nokupisa kunorwadza; muviri wangu hauchina utano. Ndarukutika uye ndapwanyika chose; ndiri kugomera nokurwadza kwomwoyo. Haiwa Ishe, zvose zvandinoshuva zviri pachena pamberi penyu, kugomera kwangu hakuna kuvanzika kwamuri. Hana yangu inorova, simba rangu rapera; kunyange nechiedza chabva pameso angu. Shamwari dzangu navafambidzani vondinzvenga nokuda kwamaronda angu; vavakidzani vangu vanogara kure neni. Avo vanotsvaka kundiuraya vanonditeya nemisungo yavo, avo vanoda kundikuvadza vanotaura nezvokuparadzwa kwangu; zuva rose vanorangana zvounyengeri. Ini ndafanana nematsi, isinganzwi, sembeveve, isingagoni kushamisa muromo wayo; ndava somunhu asinganzwi, ano muromo usingapinduri. Haiwa Jehovha, ndakakumirirai; muchapindura, imi Ishe Mwari wangu. Nokuti ndakati, “Musavarega vachifarira kutambudzika kwangu kana kuzvisimudzira pamusoro pangu, rutsoka rwangu parunotedzemuka.” Nokuti ndava pedyo nokuwa, uye kurwadziwa kwangu kunogara neni. Ndinoreurura chivi changu; chivi changu chinonditambudza. Vavengi vangu vane simba vazhinji; vanondivenga ndisina mhosva vakawanda. Ivavo vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa, vanondireva pandinotevera zvakanaka. Haiwa Jehovha, regai kundisiya; regai kuva kure neni, imi Mwari wangu. Haiwa Ishe Muponesi wangu, kurumidzai kuuya kuzondibatsira.

Mapisarema 38:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

TENZI regai kunditsiura muine hasha, musandirove makashatirwa nokuti miseve yenyu yanyatsondibaya kwazvo. Shamhu yoruoko rwenyu yakandirova. Hapana pachiri papenyu mumuviri wangu pamusana pokushatirwa kwenyu. Mumapfupa angu hamuna utano pamusana pechitadzo changu nokuti uipi hwanditi momote musoro, hunondiremera somutoro wandisingagoni kutakura. Maronda angu ava kuora uye avakunhuhwa pamusana poupenzi hwangu. Ndanyatsoti kokova, ndakombama ndinofamba ndichiungudza zuva rose. Muchiuno mangu muri kundipisa, hapana papenyu mumuviri wangu. Ndachiti rukutu ndapera basa ini. Ndinowuwura nokuda kwokushushika kwangu mumwoyo. TENZI zvandinosuwira munozviziva kugomera kwangu kuri pachena kwamuri. Hana yangu inorova, uye ndapera simba, maziso anguwo avakuonera madzerere. Hama neshamwari dzavakumirira kure neni nokuda kwechirwere changu. Vapadyo vava kutaramukana neni. Vanoda kundiuraya vanonditeya vanoda kundikuvadza vanotaurirana zvokundiparadza vanoswerondirangana zuva rose. Asi ini ndinoita zvangu samatsi asinganzwi sechimumumu chisingatauri. Chokwadi ndinoita samatsi anomukanwa musina gakava. Asi ini ndinotarisira kwamuri TENZI asi imi TENZI Mwari wangu ndimi muchapindura nokuti ndinoti, “Ngavarege kunditsvinyira vanondidadira kana ndatsvedza.” Ndavakuda kuputsika uye ndiri kuramba ndichirwadziwa. Ndinoreurura zvitadzo zvangu ndine urombo nechivi changu. Vavengi vangu vapenyupenyu vakawanda uye vanondivenga, pasina mhosva, vazhinji. Vanondiitira zvakaipa, ini ndichivaitira zvakanaka, vanondivenga nokuti ndinoita zvakanaka. Musandirasewo TENZI, Mwari wangu musave kure neni. Kurumidzai kuzondibatsira Imi TENZI muponesi wangu.

Mapisarema 38:1-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Haiwa Jehova, regai kundiraira pakutsamŋa kwenyu; Musandiraŋga nokusafara kwenyu kukuru. Nokuti miseʋe yenyu yandiɓaya, Ruʋoko rwenyu runonditsikirira kwaɀo. Hakucino‐ʋukukutu panyama yaŋgu nokuɗa kwehasha dzenyu; Ʋuye hapacino‐mufaro pamafupa aŋgu nokuɗa kweciʋi caŋgu. Nokuti ɀakaipa ɀaŋgu ɀafukidza musoro waŋgu; Ɀinondiremera somutoro unorema. Maronda aŋgu anonhuwa, akaʋora, Nokuɗa kwoʋupenzi bgaŋgu. Ndakakombamiswa, ndakakotamiswa kwaɀo, Ndinofamba ndicicema zuʋa rose. Nokuti ciʋuno caŋgu cinopisa ɀikuru; Hakucino‐ʋukukutu panyama yaŋgu. Ndakati rukutu, ndavunika kwaɀo; Ndakagomera nokuɗa kwokutambudzika kwomŋoyo waŋgu. Ishe, ɀose ɀinoɗa mŋoyo waŋgu ɀiri pamberi penyu; Hamuna‐kuʋanzirwa kugomba kwaŋgu. Mŋoyo waŋgu unopfura, ndapererwa nesimba raŋgu; Kana ciri ciedza cameso aŋgu, naico cabva kwandiri. Ʋanondiɗa, neshamŋari dzaŋgu, ʋanomira kure nokuɗa kwehosha yaŋgu; Ʋuye hama dzaŋgu dzimire kure. Ʋanotȿaka ʋupenyu bgaŋgu ʋanonditeyira misuŋgo; Ʋuye ʋanotȿaka kundikuʋadza ʋanotaura ɀokuparadzwa kwaŋgu, Asi ʋanofuŋga kundinyeŋgera zuʋa rose. Asi ini ndakafanana nematsi, handinzwi; Ndakafanana nembeʋeʋe isiŋgashamisi muromo wayo. Ɀirokwaɀo, ndakafanana nomunhu usiŋganzwi, Usinemhinduro pamuromo wake. Nokuti ndimi, Jehova, wandinotarira; Imi mucapindura, Jehova Mŋari waŋgu. Nokuti ndakati: Ŋgaʋarege kufara pamsoro paŋgu; Kana rutsoka rwaŋgu rucitedzemuka, ʋanoɀikudza pamsoro paŋgu. Nokuti ndinoʋaʋarira kugumburwa, Ʋuye njodzi yaŋgu iri pamberi paŋgu ŋguʋa dzose. Nokuti ndicaɀireʋurura ɀakaipa ɀaŋgu; Ndicacema ɀiʋi ɀaŋgu. Asi ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋakaȿinuka, ʋanesimba; Ʋuye ʋanondiʋeŋga ndisinemhoȿa ʋawanda. Naiʋo ʋo ʋanotsiʋa ɀakaipa neɀakanaka, Ndiʋo ʋadziʋisi ʋaŋgu, nokuti ndinoteʋera cinhu cakanaka. Regai kundisiya, Jehova; Mŋari waŋgu, regai kuʋa kure neni. Kurumidzai kundiɓatsira, Ishe, imi muponesi waŋgu.