Haiwa Jehova, regai kundiraira pakutsamŋa kwenyu;
Musandiraŋga nokusafara kwenyu kukuru.
Nokuti miseʋe yenyu yandiɓaya,
Ruʋoko rwenyu runonditsikirira kwaɀo.
Hakucino‐ʋukukutu panyama yaŋgu nokuɗa kwehasha dzenyu;
Ʋuye hapacino‐mufaro pamafupa aŋgu nokuɗa kweciʋi caŋgu.
Nokuti ɀakaipa ɀaŋgu ɀafukidza musoro waŋgu;
Ɀinondiremera somutoro unorema.
Maronda aŋgu anonhuwa, akaʋora,
Nokuɗa kwoʋupenzi bgaŋgu.
Ndakakombamiswa, ndakakotamiswa kwaɀo,
Ndinofamba ndicicema zuʋa rose.
Nokuti ciʋuno caŋgu cinopisa ɀikuru;
Hakucino‐ʋukukutu panyama yaŋgu.
Ndakati rukutu, ndavunika kwaɀo;
Ndakagomera nokuɗa kwokutambudzika kwomŋoyo waŋgu.
Ishe, ɀose ɀinoɗa mŋoyo waŋgu ɀiri pamberi penyu;
Hamuna‐kuʋanzirwa kugomba kwaŋgu.
Mŋoyo waŋgu unopfura, ndapererwa nesimba raŋgu;
Kana ciri ciedza cameso aŋgu, naico cabva kwandiri.
Ʋanondiɗa, neshamŋari dzaŋgu, ʋanomira kure nokuɗa kwehosha yaŋgu;
Ʋuye hama dzaŋgu dzimire kure.
Ʋanotȿaka ʋupenyu bgaŋgu ʋanonditeyira misuŋgo;
Ʋuye ʋanotȿaka kundikuʋadza ʋanotaura ɀokuparadzwa kwaŋgu,
Asi ʋanofuŋga kundinyeŋgera zuʋa rose.
Asi ini ndakafanana nematsi, handinzwi;
Ndakafanana nembeʋeʋe isiŋgashamisi muromo wayo.
Ɀirokwaɀo, ndakafanana nomunhu usiŋganzwi,
Usinemhinduro pamuromo wake.
Nokuti ndimi, Jehova, wandinotarira;
Imi mucapindura, Jehova Mŋari waŋgu.
Nokuti ndakati: Ŋgaʋarege kufara pamsoro paŋgu;
Kana rutsoka rwaŋgu rucitedzemuka, ʋanoɀikudza pamsoro paŋgu.
Nokuti ndinoʋaʋarira kugumburwa,
Ʋuye njodzi yaŋgu iri pamberi paŋgu ŋguʋa dzose.
Nokuti ndicaɀireʋurura ɀakaipa ɀaŋgu;
Ndicacema ɀiʋi ɀaŋgu.
Asi ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋakaȿinuka, ʋanesimba;
Ʋuye ʋanondiʋeŋga ndisinemhoȿa ʋawanda.
Naiʋo ʋo ʋanotsiʋa ɀakaipa neɀakanaka,
Ndiʋo ʋadziʋisi ʋaŋgu, nokuti ndinoteʋera cinhu cakanaka.
Regai kundisiya, Jehova;
Mŋari waŋgu, regai kuʋa kure neni.
Kurumidzai kundiɓatsira,
Ishe, imi muponesi waŋgu.