Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 38:1-22

Mapisarema 38:1-22 BDSC

Haiwa Jehovha, musandirayira mukutsamwa kwenyu kana kundiranga muhasha dzenyu. Nokuti miseve yenyu yandibaya, uye ruoko rwenyu rwawira pamusoro pangu. Mumuviri mangu hamuchina utano nokuda kwehasha dzenyu; mapfupa angu apera simba nokuda kwechivi changu. Mhosva yangu yandiremera somutoro unorema kwazvo kuutakura. Maronda angu aora uye anosemesa nokuda kwoupenzi hwokutadza kwangu. Ndakotamiswa uye ndaderedzwa kwazvo; ndinofamba ndichichema zuva rose. Musana wangu wazara nokupisa kunorwadza; muviri wangu hauchina utano. Ndarukutika uye ndapwanyika chose; ndiri kugomera nokurwadza kwomwoyo. Haiwa Ishe, zvose zvandinoshuva zviri pachena pamberi penyu, kugomera kwangu hakuna kuvanzika kwamuri. Hana yangu inorova, simba rangu rapera; kunyange nechiedza chabva pameso angu. Shamwari dzangu navafambidzani vondinzvenga nokuda kwamaronda angu; vavakidzani vangu vanogara kure neni. Avo vanotsvaka kundiuraya vanonditeya nemisungo yavo, avo vanoda kundikuvadza vanotaura nezvokuparadzwa kwangu; zuva rose vanorangana zvounyengeri. Ini ndafanana nematsi, isinganzwi, sembeveve, isingagoni kushamisa muromo wayo; ndava somunhu asinganzwi, ano muromo usingapinduri. Haiwa Jehovha, ndakakumirirai; muchapindura, imi Ishe Mwari wangu. Nokuti ndakati, “Musavarega vachifarira kutambudzika kwangu kana kuzvisimudzira pamusoro pangu, rutsoka rwangu parunotedzemuka.” Nokuti ndava pedyo nokuwa, uye kurwadziwa kwangu kunogara neni. Ndinoreurura chivi changu; chivi changu chinonditambudza. Vavengi vangu vane simba vazhinji; vanondivenga ndisina mhosva vakawanda. Ivavo vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa, vanondireva pandinotevera zvakanaka. Haiwa Jehovha, regai kundisiya; regai kuva kure neni, imi Mwari wangu. Haiwa Ishe Muponesi wangu, kurumidzai kuuya kuzondibatsira.