Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 38:1-22

Nziyo 38:1-22 SCLBD

TENZI regai kunditsiura muine hasha, musandirove makashatirwa nokuti miseve yenyu yanyatsondibaya kwazvo. Shamhu yoruoko rwenyu yakandirova. Hapana pachiri papenyu mumuviri wangu pamusana pokushatirwa kwenyu. Mumapfupa angu hamuna utano pamusana pechitadzo changu nokuti uipi hwanditi momote musoro, hunondiremera somutoro wandisingagoni kutakura. Maronda angu ava kuora uye avakunhuhwa pamusana poupenzi hwangu. Ndanyatsoti kokova, ndakombama ndinofamba ndichiungudza zuva rose. Muchiuno mangu muri kundipisa, hapana papenyu mumuviri wangu. Ndachiti rukutu ndapera basa ini. Ndinowuwura nokuda kwokushushika kwangu mumwoyo. TENZI zvandinosuwira munozviziva kugomera kwangu kuri pachena kwamuri. Hana yangu inorova, uye ndapera simba, maziso anguwo avakuonera madzerere. Hama neshamwari dzavakumirira kure neni nokuda kwechirwere changu. Vapadyo vava kutaramukana neni. Vanoda kundiuraya vanonditeya vanoda kundikuvadza vanotaurirana zvokundiparadza vanoswerondirangana zuva rose. Asi ini ndinoita zvangu samatsi asinganzwi sechimumumu chisingatauri. Chokwadi ndinoita samatsi anomukanwa musina gakava. Asi ini ndinotarisira kwamuri TENZI asi imi TENZI Mwari wangu ndimi muchapindura nokuti ndinoti, “Ngavarege kunditsvinyira vanondidadira kana ndatsvedza.” Ndavakuda kuputsika uye ndiri kuramba ndichirwadziwa. Ndinoreurura zvitadzo zvangu ndine urombo nechivi changu. Vavengi vangu vapenyupenyu vakawanda uye vanondivenga, pasina mhosva, vazhinji. Vanondiitira zvakaipa, ini ndichivaitira zvakanaka, vanondivenga nokuti ndinoita zvakanaka. Musandirasewo TENZI, Mwari wangu musave kure neni. Kurumidzai kuzondibatsira Imi TENZI muponesi wangu.

Verenga chikamu Nziyo 38