Mapisarema 37:39-40
Mapisarema 37:39-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ruponeso rwavakarurama runobva kuna Jehovha; ndiye nhare yavo panguva yamatambudziko. Jehovha anovabatsira uye anovanunura; anovanunura kubva kuna vakaipa uye anovaponesa, nokuti vanovanda maari.
Mapisarema 37:39-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ruponeso rwavakarurama runobva kuna TENZI ndiye diziro ravo panguva yenhamo. TENZI anovabatsira uye anovanunura. Anovanunura kuvakaipa achivaponesa nokuti vanovanda maari.
Mapisarema 37:39-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi kuponeswa kwavakarurama kunobva kuna Jehovha; Ndiye nhare yavo panguva yokutambudzika. Jehovha anovabatsira, nokuvarwira; Anovarwira kuna vakaipa, nokuvaponesa, Nokuti vakandovanda maari.
Mapisarema 37:39-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ruponeso rwavakarurama runobva kuna TENZI ndiye diziro ravo panguva yenhamo. TENZI anovabatsira uye anovanunura. Anovanunura kuvakaipa achivaponesa nokuti vanovanda maari.
Mapisarema 37:39-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi kuponeswa kwaʋakarurama kunobva kunaJehova; Ndiye nhare yaʋo paŋguʋa yokutambudzika. Jehova unoʋaɓatsira, nokuʋarwira; Unoʋarwira kunaʋakaipa, nokuʋaponesa, Nokuti ʋakandoʋanda maari.