Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 37:23-40

Mapisarema 37:23-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu, anosimbisa mafambiro ake; kunyange akagumburwa, haangawi, nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake. Ndakanga ndiri muduku uye zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachiraswa, kana vana vavo vachipemha chingwa. Vanogara vachingopa vamwe, uye vachikweretesa pasina muripo; vana vavo vacharopafadzwa. Dzoka pane zvakaipa ugoita zvakanaka; ipapo uchagara panyika nokusingaperi. Nokuti Jehovha anoda vanoruramisira uye haangazosiyi vanhu vake vakatendeka. Vachadzivirirwa nokusingaperi; asi vana vowakaipa vachaparadzwa; vakarurama vachagara nhaka yenyika uye vachagara mairi nokusingaperi. Muromo womunhu akarurama unotaura uchenjeri, uye rurimi rwake runotaura kururamisira. Murayiro waMwari wake uri pamwoyo wake; tsoka dzake hadzitedzemuki. Vakaipa vanovandira vakarurama, vachitsvaka upenyu hwavo chaihwo; asi Jehovha haangavasiyi vari musimba ravo, kana kuvarega vachipomerwa kana vamira pakutongwa. Rindira Jehovha, uye uchengete nzira yake. Achakusimudzira kuti ugare nhaka yenyika; kana vakaipa voparadzwa, iwe uchazviona. Ndakaona munhu akaipa uye ano utsinye achibudirira somuti wakasvibira pavhu romunyika yawo, asi nokukurumidza akapfuura uye akasazovapozve; kunyange ndakamutsvaka, haana kuzowanikwa. Cherechedza asina mhosva, ongorora akarurama; ane ramangwana rakanaka munhu worugare. Asi vatadzi vose vachaparadzwa; ramangwana rowakaipa richagurwa. Ruponeso rwavakarurama runobva kuna Jehovha; ndiye nhare yavo panguva yamatambudziko. Jehovha anovabatsira uye anovanunura; anovanunura kubva kuna vakaipa uye anovaponesa, nokuti vanovanda maari.

Mapisarema 37:23-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Mufambiro womunhu unosimbiswa naJehovha; Unofarikana munzira yake. Kunyange akawa, haangawiswi chose; Nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake. Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; Kunyange zvakadaro handina kutongoona akarurama achisiyiwa, Kana vana vake vachipemha zvokudya. Zuva rose anoramba ane ngoni, achiposa; Vana vake vanokomborerwa. Ibva pane zvakaipa, uite zvakanaka; Ugare zvakanaka nokusingaperi. Nokuti Jehovha anoda zvakarurama, Haasiyi vatsvene vake; Vanochengetwa nokusingaperi; Asi vana vowakaipa vachaparadzwa. Vakarurama vachagara nhaka yenyika, Vachagaramo nokusingaperi. Muromo wowakarurama unotaura zvenjere, Rurimi rwake runotaura zvakarurama. Murayiro waMwari wake uri mumwoyo make; Pakutsika kwake haangatongotedzemuki. Akaipa anovandira akarurama, Achitsvaka kumuuraya. Jehovha haangamuregeri muruoko rwake, Kana kumupa mhosva kana atongwa. Rindira Jehovha, urambire panzira yake, Iye achakukudza kuti ugare nhaka yenyika; Kana vakaipa vachiparadzwa iwe uchazviona. Ndakaona akaipa anesimba guru, Achitandavara somuti munyoro panyika yawo. Zvino mumwe akapfuurazve, wanei haachipo; Ndakamutsvaka, asi akanga asichawanikwi. Cherekedzai munhu akakwana, mutarire akarurama; Nokuti kuguma kwomunhu uyo rugare. Kana vari vadariki, vachaparadzwa pamwechete; Pakuguma kwavo vakaipa vachaparadzwa. Asi kuponeswa kwavakarurama kunobva kuna Jehovha; Ndiye nhare yavo panguva yokutambudzika. Jehovha anovabatsira, nokuvarwira; Anovarwira kuna vakaipa, nokuvaponesa, Nokuti vakandovanda maari.

Mapisarema 37:23-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Munhu kana achifamba anotungamirirwa naTENZI; anosimbisa munhu ano mugariro unomufadza Kunyange akawa, haabva ati mbombombo nokuti TENZI ndiye anomubata ruoko. Ndakanga ndiri muduku asi zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachiraswa kana vana vake vachikumbira chingwa. Anogara achipa zvakawanda uye achikweretesa vana vake vachiva chikomborero. Siana nouipi uite zvakanaka nokudaro uchagara nokusingaperi nokuti TENZI anoda ruenzaniso; haarasi varurami vake. Achavachengetedza nokusingaperi asi vana vavakaipa vachaparadzwa. Vakarurama ndivo vachava varidzi venyika uye vachagaramo nokusingaperi. Muromo womururami unotaura zvine ungwaru rurimi rwake runotaura noruenzaniso. Mutemo waMwari wake uri maari haadzadzariki pakufamba. Wakaipa anovandira wakarurama achitsvaka kumuuraya. TENZI haamurege achiwira mumaoko ake kana kumurega achipiwa mhosva paanotongwa. Mirira TENZI uchengete nzira yake. Iye achakukudza kuti nyika ive yako; unotozoona kuparadzwa kwavakaipa. Ndakamboona munhu wakaipa ano mukundo akati dzuu kwazvo somusidhari weRebhanoni. Ndakazopfuurazve napo asi akanga asisipo. Ndakamutsvaka asi akanga asisipo. Tarira uone munhu akarurama uone munhu ari pachokwadi, nokuti munhu worugare aneramangwana. Vatadzi vanofanira kuparadzwa zvachose upenyu hwavo hwamangwana huchaparadzwa. Ruponeso rwavakarurama runobva kuna TENZI ndiye diziro ravo panguva yenhamo. TENZI anovabatsira uye anovanunura. Anovanunura kuvakaipa achivaponesa nokuti vanovanda maari.

Mapisarema 37:23-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Mufambire womunhu unosimbiswa naJehova; Unofarikanya munzira yake. Kunyaŋge akawa, haaŋgawiswi cose; Nokuti Jehova unomutsigira noruʋoko rwake. Ndakaŋga ndiri muɗuku, ɀino ndakwegura; Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutoŋgoʋona wakarurama acisiyiwa, Kana ʋana ʋake ʋacipemha ɀokudya. Zuʋa rose unoramba aneŋgoni, aciposa; Ʋana ʋake ʋanokomborerwa. Ibva paneɀakaipa, uite ɀakanaka; Ugare ɀakanaka nokusiŋgaperi. Nokuti Jehova unoɗa ɀakarurama, Haasiyi ʋatȿene ʋake; Ʋanoceŋgetwa nokusiŋgaperi; Asi ʋana ʋowakaipa ʋacaparadzwa. Ʋakarurama ʋacagara nhaka yenyika, Ʋacagara’mo nokusiŋgaperi. Muromo wowakarurama unotaura ɀenjere, Rurimi rwake runotaura ɀakarurama. Murairo waMŋari wake uri mumŋoyo make; Pakutsika kwake haaŋgatoŋgotedzemuki. Wakaipa unoʋandira wakarurama, Acitȿaka kumuʋuraya. Jehova haaŋgamuregeri muruʋoko rwake, Kana kumupa mhoȿa kana atoŋgwa. Rindira Jehova, urambire panzira yake, Iye ucakukudza kuti ugare nhaka yenyika; Kana ʋakaipa ʋaciparadzwa iwe ucaɀiʋona. Ndakaʋona wakaipa anesimba guru, Acitandaʋara somuti munyoro panyika yawo. Ɀino mumŋe wakapfuʋura ɀe, wane haaci’po; Ndakamutȿaka, asi wakaŋga asicawanikwi. Cerekedzai munhu wakakwana, mutarire wakarurama; Nokuti kuguma kwomunhu uyo rugare. Kana ʋari ʋaɗariki, ʋacaparadzwa pamŋe cete; Pakuguma kwaʋo ʋakaipa ʋacaparadzwa. Asi kuponeswa kwaʋakarurama kunobva kunaJehova; Ndiye nhare yaʋo paŋguʋa yokutambudzika. Jehova unoʋaɓatsira, nokuʋarwira; Unoʋarwira kunaʋakaipa, nokuʋaponesa, Nokuti ʋakandoʋanda maari.

Mapisarema 37:23-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)