Munhu kana achifamba anotungamirirwa naTENZI; anosimbisa munhu ano mugariro unomufadza Kunyange akawa, haabva ati mbombombo nokuti TENZI ndiye anomubata ruoko. Ndakanga ndiri muduku asi zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachiraswa kana vana vake vachikumbira chingwa. Anogara achipa zvakawanda uye achikweretesa vana vake vachiva chikomborero. Siana nouipi uite zvakanaka nokudaro uchagara nokusingaperi nokuti TENZI anoda ruenzaniso; haarasi varurami vake. Achavachengetedza nokusingaperi asi vana vavakaipa vachaparadzwa. Vakarurama ndivo vachava varidzi venyika uye vachagaramo nokusingaperi. Muromo womururami unotaura zvine ungwaru rurimi rwake runotaura noruenzaniso. Mutemo waMwari wake uri maari haadzadzariki pakufamba. Wakaipa anovandira wakarurama achitsvaka kumuuraya. TENZI haamurege achiwira mumaoko ake kana kumurega achipiwa mhosva paanotongwa. Mirira TENZI uchengete nzira yake. Iye achakukudza kuti nyika ive yako; unotozoona kuparadzwa kwavakaipa. Ndakamboona munhu wakaipa ano mukundo akati dzuu kwazvo somusidhari weRebhanoni. Ndakazopfuurazve napo asi akanga asisipo. Ndakamutsvaka asi akanga asisipo. Tarira uone munhu akarurama uone munhu ari pachokwadi, nokuti munhu worugare aneramangwana. Vatadzi vanofanira kuparadzwa zvachose upenyu hwavo hwamangwana huchaparadzwa. Ruponeso rwavakarurama runobva kuna TENZI ndiye diziro ravo panguva yenhamo. TENZI anovabatsira uye anovanunura. Anovanunura kuvakaipa achivaponesa nokuti vanovanda maari.
Verenga chikamu Nziyo 37
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 37:23-40
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo