Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 27:1-14

Mapisarema 27:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu, ndichagotya aniko? Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu, ndianiko wandingatya? Vanhu vakaipa pavakauya kwandiri kuzodya nyama yangu, vavengi navadzivisi vangu pavanondirwisa, vanogumburwa ndokuwa. Kunyange hondo ikandikomba, mwoyo wangu haungazotyi; kunyange hondo ikamuka kuzondirwisa, ipapo ndichavimba naJehovha. Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha, ndicho chandinotsvaka: kuti ndigare mumba maJehovha mazuva ose oupenyu hwangu, kuti nditarire kunaka kwaJehovha uye ndimutsvake mutemberi yake. Nokuti zuva rokutambudzika achandichengeta zvakanaka munzvimbo yaanogara; achandiviga mudumba retabhenakeri yake, agondikwidza pamusoro pedombo. Ipapo musoro wangu uchasimudzirwa pamusoro pavavengi vakandipoteredza; ndichamubayira zvibayiro patabhenakeri yake nomufaro mukuru; ndichaimba ndigoimbira Jehovha nziyo. Inzwai inzwi rangu kana ndichidana, imi Jehovha; ndinzwirei ngoni mugondipindura. Mwoyo wangu unoti kwandiri, “Tsvaka chiso chake!” Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka. Regai kundivanzira chiso chenyu, musadzinga muranda wenyu mukutsamwa; makanga muri mubatsiri wangu. Regai kundiramba kana kundisiya, imi Mwari Muponesi wangu. Kunyange baba vangu namai vangu vakandisiya, Jehovha achandigamuchira. Ndidzidzisei nzira yenyu, imi Jehovha; ndisesedzei munzira yakarurama nokuda kwavamanikidzi vangu. Regai kundisundira kuzvido zvavavengi vangu, nokuti zvapupu zvenhema zvinondimukira, vachifemedzeka nehasha. Ndichine chokwadi neizvi zvokuti: ndichaona kunaka kwaJehovha munyika yavapenyu. Rindira Jehovha; iva nesimba, utsunge mwoyo ugomirira Jehovha.

Mapisarema 27:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Jehovha ndiye chiedza changu noMuponesi wangu; ndingagotya aniko? Jehovha ndiye simba roupenyu hwangu; ndingagovhunduswa naniko? Vaiti vezvakaipa vakati vachiuya kwandiri kuzodya nyama yangu, Ivo vadzivisi vangu navavengi vangu, vakagumburwa vakawa. Kunyange hondo ikandikomba, Mwoyo wangu haungatyi; Kunyange ndikavingwa nokurwa, Nenguva iyo ndichavimba naJehovha. Chinhu chimwechete ndakakumbira kuna Jehovha, ndicho chandichatsvaka; Kuti ndigare mumba maJehovha misi yose youpenyu hwangu, Kuti ndione kunaka kwaJehovha, nokurangarira mutemberi yake. Nokuti nomusi wenjodzi anondiviga mudumba rake, Uchandivanza pakavanda patende rake; Uchandikwiridza padombo. Zvino musoro wangu uchasimudzirwa kumusoro kwavavengi vangu vanondikomba; Ndichamubayira zvibayiro zvomufaro patende rake. Ndichaimba, zvirokwazvo ndichaimbira Jehovha nziyo dzokumurumbidza. Inzwai Jehovha, kana ndichidana nezwi rangu; Ndinzwirei tsitsi, mundipindure. Panguva yamakati, “Tsvakai chiso changu;” mwoyo wakati kwamuri, “Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka.” Regai kundivanzira chiso chenyu; Musadzinga muranda wenyu pakutsamwa kwenyu; Makanga muri mubatsiri wangu; Regai kundirasha, kana kundisiya, imi Mwari muponesi wangu. Nokuti baba vangu namai vangu vakandirasha, Asi Jehovha achandigamuchira. Ndidzidzisei nzira yenyu Jehovha; Mundifambise panzira yakati chechetere, Nokuda kwavanondivandira. Musandisundira pakuda kwavadzivisi vangu; Nokuti zvapupu zvenhema zvakandimukira, navanofemereka hasha. Ndingadai ndakafa hangu, kana ndisina kutenda kuti ndichaona kunaka kwaJehovha. Panyika yavapenyu. Rindira Jehovha; Iva nesimba, nomwoyo wako utsunge; Ndinoti, rindira Jehovha.

Mapisarema 27:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

TENZI ndiye chiedza changu noruponeso rwangu. Ndiani wandingatye? Paupenyu hwangu, TENZI ndiye diziro rangu. Ndiani wandingatye? Kana vakaipa vondirwisa vachitaura zvakaipa nezvangu. Mhandu navavengi vangu vachadzadzarika vagowira pasi. Kunyange ndikakombwa nehondo mwoyo wangu haungatyi kunyange hondo ikandimukira kuvimba kwangu nemi kucharamba kuripo. Ndinokumbira kuna TENZI chinhu chimwechete ichocho ndicho chandinotsvaka chokuti ndigare zvangu mumba maTENZI mazuva ose oupenyu hwangu kuitira kuti ndione kunaka kwaTENZI uye kuti ndibvunzire kwaari muTemberi yake. Achandivanza mudumba rake pazuva renhamo; achandiviga pakavanda mutendhe yake, achandiisa pamusoro pedombo. Zvino ipapo ndichapasimudza musoro pamusoro pavavengi vangu vakandikomberedza. Ndichapira zvibayiro norufaro rukuru mutendhe yake. Ndichaimba, ndichiimbira TENZI rwiyo. Teereraiwo izwi rangu, TENZI pandinodanidzira ndiitireiwo ngoni mundidavire. Imi makati, “Tsvakai uso hwangu.” Mwoyo wangu unoti kwamuri, “Uso hwenyu TENZI ndihwo hwandinotsvaka.” Musavanze uso hwenyu kwandiri musandidzinge nehasha ini muranda wenyu, ndimi mangamuri mubatsiri wangu. Musandisiye, musandirase, Mwari mununuri wangu. Baba naamai vangandirase zvavo asi TENZI achandigamuchira. TENZI ndiratidzei nzira yenyu munditungamirire mugwara rakati tasa pamusana pavavengi vangu. Musandiise mumaoko avavengi vangu nokuti zvapupu zvenhema zvandimukira uye vanofemereka nehasha. Ndinovimba kuti ndichaona kunaka kwaTENZI munyika yavapenyu. Tarisira muna TENZI, simba ushinge mwoyo. Tarisira muna TENZI.

Mapisarema 27:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Jehova ndiye ciedza caŋgu noMuponesi waŋgu; ndiŋgagotya aniko? Jehova ndiye simba roʋupenyu bgaŋgu; ndiŋgagovunduswa naniko? Ʋaiti ʋeɀakaipa ʋakati ʋaciʋuya kwandiri kuzodya nyama yaŋgu, Iʋo ʋadziʋisi ʋaŋgu naʋaʋeŋgi ʋaŋgu, ʋakagumburwa ʋakawa. Kunyaŋge hondo ikandikomba, Mŋoyo waŋgu hauŋgatyi; Kunyaŋge ndikaʋiŋgwa nokurwa, Neŋguʋa iyo ndicaʋimba naJehova. Cinhu cimŋe cete ndakakumbira kunaJehova, ndico candicatȿaka; Kuti ndigare mumba maJehova misi yose yoʋupenyu bgaŋgu, Kuti ndiʋone kunaka kwaJehova, nokuraŋgarira mutembere yake. Nokuti nomusi wenjodzi unondiʋiga muɗumba rake, Ucandiʋanza pakaʋanda patente rake; Ucandikwiridza paɗombo. Ɀino musoro waŋgu ucasimudzirwa kumsoro kwaʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋanondikomba; Ndicamuɓayira ɀiɓayiro ɀomufaro patente rake. Ndicaimba, ɀirokwaɀo ndicaimbira Jehova nziyo dzokumurumbidza. Inzwai Jehova, kana ndiciɗana nenzwi raŋgu; Ndinzwirei tsitsi, mundipindure. Paŋguʋa yamakati: Tȿakai ciso caŋgu; mŋoyo waŋgu wakati kwamuri: Ciso cenyu, Jehova, ndicacitȿaka. Regai kundiʋanzira ciso cenyu; Musadziŋga muranda wenyu pakutsamŋa kwenyu; Makaŋga muri muɓatsiri waŋgu; Regai kundirasha, kana kundisiya, imi Mŋari muponesi waŋgu. Nokuti ɓaɓa ʋaŋgu namai ʋaŋgu ʋakandirasha, Asi Jehova ucandigamucira. Ndidzidzisei nzira yenyu Jehova; Mundifambise panzira yakati cecetere, Nokuɗa kwaʋanondiʋandira. Musandisundira pakuɗa kwaʋadziʋisi ʋaŋgu; Nokuti ɀapupu ɀenhema ɀakandimukira, naʋanofemereka hasha. Ndiŋgaɗai ndakafa haŋgu, kana ndisina‐kutenda kuti ndicaʋona kunaka kwaJehova Panyika yaʋapenyu. Rindira Jehova; Iʋa nesimba, nomŋoyo wako utsuŋge; Ndinoti, rindira Jehova.

Mapisarema 27:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)