TENZI ndiye chiedza changu noruponeso rwangu. Ndiani wandingatye? Paupenyu hwangu, TENZI ndiye diziro rangu. Ndiani wandingatye? Kana vakaipa vondirwisa vachitaura zvakaipa nezvangu. Mhandu navavengi vangu vachadzadzarika vagowira pasi. Kunyange ndikakombwa nehondo mwoyo wangu haungatyi kunyange hondo ikandimukira kuvimba kwangu nemi kucharamba kuripo. Ndinokumbira kuna TENZI chinhu chimwechete ichocho ndicho chandinotsvaka chokuti ndigare zvangu mumba maTENZI mazuva ose oupenyu hwangu kuitira kuti ndione kunaka kwaTENZI uye kuti ndibvunzire kwaari muTemberi yake. Achandivanza mudumba rake pazuva renhamo; achandiviga pakavanda mutendhe yake, achandiisa pamusoro pedombo. Zvino ipapo ndichapasimudza musoro pamusoro pavavengi vangu vakandikomberedza. Ndichapira zvibayiro norufaro rukuru mutendhe yake. Ndichaimba, ndichiimbira TENZI rwiyo. Teereraiwo izwi rangu, TENZI pandinodanidzira ndiitireiwo ngoni mundidavire. Imi makati, “Tsvakai uso hwangu.” Mwoyo wangu unoti kwamuri, “Uso hwenyu TENZI ndihwo hwandinotsvaka.” Musavanze uso hwenyu kwandiri musandidzinge nehasha ini muranda wenyu, ndimi mangamuri mubatsiri wangu. Musandisiye, musandirase, Mwari mununuri wangu. Baba naamai vangandirase zvavo asi TENZI achandigamuchira. TENZI ndiratidzei nzira yenyu munditungamirire mugwara rakati tasa pamusana pavavengi vangu. Musandiise mumaoko avavengi vangu nokuti zvapupu zvenhema zvandimukira uye vanofemereka nehasha. Ndinovimba kuti ndichaona kunaka kwaTENZI munyika yavapenyu. Tarisira muna TENZI, simba ushinge mwoyo. Tarisira muna TENZI.
Verenga chikamu Nziyo 27
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 27:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo