Mapisarema 22:27-31
Mapisarema 22:27-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Migumo yose yenyika icharangarira igodzokera kuna Jehovha, uye mhuri dzendudzi dzose dzichapfugama pamberi pake, nokuti ushe ndohwaJehovha uye anotonga pamusoro pendudzi. Vapfumi vose venyika vachadya uye vachamunamata; vose vanoburukira muguruva vachapfugama pamberi pake, navose vasingagoni kuzviraramisa. Vana vake vachamushumira; zvizvarwa zvinotevera zvichaudzwa nezvaIshe. Vachaparidza kururama kwake kuvanhu vasati vaberekwa, nokuti akazviita.
Mapisarema 22:27-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Migumo yose yenyika icharangarira nokudzokera kuna Jehovha; Marudzi ose avahedheni achanamata kwamuri. Nokuti ushe ndohwaJehovha; Ndiye mubati wavahedheni. Vakuru vose venyika vachadya nokunamata; Vose vanoburukira kuguruva vachapfugama pamberi pake, Naiye asingagoni kuraramisa mweya wake. Vana vake vachanamata kwaari; Rudzi runotevera ruchaudzwa zvaJehovha. Vachauya vachidudzira kururama kwake Kuvanhu vachazozvarwa, kuti ndiye wakazviita.
Mapisarema 22:27-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nyika dzapasi pano dzicharangarira dzigodzokera kuna TENZI mhuri dzose dzamarudzi avanhu dzigwadame pamberi penyu nokuti umambo ndohwaTENZI uye anotonga pamusoro pevechirudzi. Vose vanozvikudza vapanyika vachamugwadamira vose avo vachapinda muguva navose vasingagoni kuzviraramisa vachatozomupfugamira chete. Zvizvarwa zvichauya zvichamushumira zvizvarwa zvinotevera zvichataurirwa nezvaTENZI zvichauyawo zvigoparidza ururami hwake kuvanhu vachatozozvarwa kuti, “TENZI akazviita.”
Mapisarema 22:27-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Migumo yose yenyika icaraŋgarira nokudzokera kunaJehova; Marudzi ose aʋahedeni acanamata kwamuri. Nokuti ʋushe ndobgaJehova; Ndiye muɓati waʋahedeni. Ʋakuru ʋose ʋenyika ʋacadya nokunamata; Ʋose ʋanoɓurukira kuguruʋa ʋacafugama pamberi pake, Naiye usiŋgagoni kuraramisa mŋeya wake. Ʋana ʋake ʋacanamata kwaari; Rudzi runoteʋera rucaʋudzwa ɀaJehova. Ʋacaʋuya ʋaciɗudzira kururama kwake Kuʋanhu ʋacazoɀarwa, kuti ndiye wakaɀiita.
Mapisarema 22:27-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)