Mapisarema 20:1-7
Mapisarema 20:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha ngaakupindure paunotambudzika; zita raMwari waJakobho ngarikudzivirire. Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene, uye akupe rutsigiro runobva kuZioni. Ngaarangarire zvibayiro zvako zvose uye agogamuchira zvibayiro zvako zvinopiswa. Sera Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako, uye aite kuti urongwa hwako hwose hubudirire. Tichadanidzira nomufaro pakukunda kwako, uye tichasimudza mireza yedu muzita raMwari wedu. Jehovha ngaakupe zvose zvawakakumbira. Zvino ndava kuziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake; anomupindura ari kudenga rake dzvene, nesimba rokuponesa kworuoko rwake rworudyi. Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza, asi isu tinovimba nezita raJehovha Mwari wedu.
Mapisarema 20:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha ngaakupindure nomusi wokutambudzika; Zita raMwari waJakobho ngarikuise pakakwirira; Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene, Akutsigire nesimba rinobva Zioni. Ngaarangarire zvipiriso zvako zvose, Agamuchire zvibayiro zvako zvinopiswa; Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako, Ngaaite sezvawakafunga. Tichafara kwazvo nokukunda kwenyu, Tichasimudza mireza yedu nezita raMwari wedu; Jehovha ngaaite zvose zvawakakumbira. Zvino ndinoziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake; Achamupindura ari kudenga kwake kutsvene Nesimba roruoko rwake rworudyi, rinoponesa. Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza; Asi isu tichareva zita raJehovha Mwari wedu.
Mapisarema 20:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dai TENZI akangokupindurai pazuva renhamo! Dai zita raMwari waJakobho angokudzivirirai. Ngaakutumirei rubatsiro runobva kunzvimbo inoera norutsigiro rwake runobva kuZioni. Dai angoyeuka mipiro yenyu yose uye afadzwe nezvibayiro zvenyu zvose. Dzepfunde. Dai angokupai zvinoda mwoyo wenyu aite kuti zvirongwa zvenyu zvibudirire. Ipapo tichapururudzira kukunda kwenyu norufaro. Tigosimudza mureza wedu muzita raMwari wedu TENZI akuitirei zvose zvamunokumbira. Zvino ndavakuziva kuti TENZI achabatsira muzodzwa wake, achamupindura ari kudenga rake rinoera nesimba roruoko rwake rworudyi. Vamwe vanovimba nengoro dzehondo; vamwe vanovimba namabhiza asi isu tinovimba nezita raTENZI Mwari wedu.
Mapisarema 20:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova ŋgaakupindure nomusi wokutambudzika; Zita raMŋari waJakobo ŋgarikuise pakakwirira; Ŋgaakutumire ruɓatsiro runobva panɀimbo tȿene, Akutsigire nesimba rinobva Zioni. Ŋgaaraŋgarire ɀipiriso ɀako ɀose, Agamucire ɀiɓayiro ɀako ɀinopiswa; Ŋgaakupe ɀinoɗikanwa nomŋoyo wako, Ŋgaaite seɀawakafuŋga. Ticafara kwaɀo nokukunda kwenyu, Ticasimudza mireza yeɗu nezita raMŋari weɗu; Jehova ŋgaaite ɀose ɀawakakumbira. Ɀino ndinoziʋa kuti Jehova unoponesa muzodziwa wake; Ucamupindura ari kuɗeŋga kwake kutȿene Nesimba roruʋoko rwake rworudyi, rinoponesa. Ʋamŋe ʋanoʋimba neŋgoro, ʋamŋe namabiza; Asi isu ticareʋa zita raJehova Mŋari weɗu.
Mapisarema 20:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)