Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 20

20
Munyengetero kuti mambo akunde
Kumutungamiriri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.
1Jehovha ngaakupindure nomusi wokutambudzika;
Zita raMwari waJakobho
ngarikuise pakakwirira;
2Ngaakutumire rubatsiro runobva
panzvimbo tsvene,
Akutsigire nesimba rinobva Zioni.
3Ngaarangarire zvipiriso zvako zvose,
Agamuchire zvibayiro zvako zvinopiswa;
4Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako,
Ngaaite sezvawakafunga.
5Tichafara kwazvo nokukunda kwenyu,
Tichasimudza mireza yedu nezita raMwari wedu;
Jehovha ngaaite zvose zvawakakumbira.
6Zvino ndinoziva kuti Jehovha anoponesa
muzodziwa wake;
Achamupindura ari kudenga kwake kutsvene
Nesimba roruoko rwake rworudyi, rinoponesa.
7Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza;
Asi isu tichareva zita raJehovha Mwari wedu.
8Ivo vakotamiswa, vawira pasi;
Asi isu tasimuka, timire zvakanaka.
9Ponesai, Jehovha;
Mambo ngaatipindure kana tichidana.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 20: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda