Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:33-64

Mapisarema 119:33-64 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ndidzidzisei, imi Jehovha, kutevera mitemo yenyu; ipapo ndichaichengeta kusvikira kumagumo. Ndipei kunzwisisa, ndigochengeta murayiro wenyu uye ndigouteerera nomwoyo wangu wose. Nditungamirirei munzira yemirayiro yenyu, nokuti imomo ndinowana mufaro. Dzorerai mwoyo wangu pane zvamakatema kwete pakuchiva kwenyama. Dzorai meso angu pazvinhu zvisina maturo; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu. Zadzisai zvamakapikira muranda wenyu, kuti mugotyiwa. Bvisai kunyadziswa kwandaitya, nokuti mitemo yenyu yakanaka. Ndinoshuva zvirevo zvenyu sei! Chengetedzai upenyu hwangu mukururama kwenyu. Rudo rwenyu rusingaperi ngaruuye kwandiri, Jehovha, noruponeso rwenyu sezvamakavimbisa; ipapo ndichapindura vanondishora, nokuti ndinovimba neshoko renyu. Regai kubvisa shoko rechokwadi pamuromo pangu, nokuti ndakaisa tariro yangu mumurayiro wenyu. Ndichagara ndichiteerera murayiro wenyu, nokusingaperi-peri. Ndichafamba-famba ndakasununguka, nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu. Ndichataura zvamakatema pamberi pamadzimambo, uye handinganyadziswi, nokuti ndinofarira mirayiro yenyu nokuti ndinoida. Ndinosimudzira maoko angu kumirayiro yenyu yandinoda, uye ndinofungisisa zvirevo zvenyu. Rangarirai shoko renyu kumuranda wenyu, nokuti makandipa tariro. Zvinondinyaradza pakutambura kwangu ndezvizvi: Vimbiso yenyu inochengetedza upenyu hwangu. Vanozvikudza vanondiseka vasingaregi, asi ini handitsauki pamurayiro wenyu. Ndinorangarira mirayiro yenyu yekare, imi Jehovha, uye ndinonyaradzwa mairi. Shungu dzinondibata nokuda kwavakaipa, vakasiya murayiro wenyu. Mitemo yenyu ndiro dingindira rorwiyo rwangu pose pandinogara. Haiwa, Jehovha, ndinorangarira zita renyu usiku, uye ndichachengeta murayiro wenyu. Aya ndiwo anga ari maitiro angu: Ndinoteerera zvirevo zvenyu. Haiwa, Jehovha, ndimi mugove wangu; ndakavimbisa kuteerera mashoko enyu. Ndakatsvaka chiso chenyu nomwoyo wangu wose; ndinzwirei nyasha sezvamakavimbisa. Ndakacherechedza nzira dzangu ndikadzorera tsoka dzangu kune zvamakatema. Ndichakurumidza uye handinganonoki kuteerera mirayiro yenyu. Kunyange vakaipa vakandisunga namabote, handizokanganwi murayiro wenyu. Ndinomuka pakati pousiku ndichikuvongai nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama. Ndiri shamwari yavose vanokutyai, nokuna vose vanotevera zvirevo zvenyu. Haiwa Jehovha, nyika izere norudo rwenyu, ndidzidzisei zvirevo zvenyu.

Mapisarema 119:33-64 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ndidzidzisei, Jehovha, nzira yemitemo yenyu; Ndigoichengeta kusvikira pakuguma. Ndipei njere, ndichengete murau wenyu; Zvirokwazvo, ndichauchengeta nomwoyo wangu wose. Ndifambisei munzira yemirairo yenyu; Nokuti ndinoifarira kwazvo. Kweverai mwoyo wangu kuzvipupuriro zvenyu, Urege kukweverwa mukuchiva. Dzorai meso angu ndirege kuona zvisina maturo, Mundiponese panzira dzenyu. Simbisai Shoko renyu kumuranda wenyu, Rakakwanira vanokutyai. Bvisai kushoorwa kwangu kwandinotya, Nokuti zvamakatonga zvakanaka. Tarirai, ndakashuva zvirevo zvenyu; Ndiponesei mukururama kwenyu. Ngoni dzenyu ngadziuyewo kwandiri, Jehovha, Iko kuponesa kwenyu, sezvinoreva shoko renyu. Naizvozvo ndichagona kupindura anondishora; Nokuti ndinovimba neshoko renyu. Regai kubvisa shoko rezvokwadi chose pamuromo wangu; Nokuti ndakatarira zvamakatonga. Naizvozvo ndichasichengeta murau wenyu Nokusingaperi-peri. Ndichasifamba ndakasununguka, Nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu. Ndichataurawo zvipupuriro zvenyu pamberi pamadzimambo, Ndisinganyadziswi. Ndichazvifadza kwazvo nemirairo yenyu, Yandinoda. Ndichasimudzirawo maoko angu kumirairo yenyu, yandinoda; Ndichafungisisa mitemo yenyu. Rangarirai shoko renyu kumuranda wenyu, Nokuti makandimutsira tariro. Ndizvo zvinondinyaradza pakutambudzika kwangu; Nokuti shoko renyu rakandiponesa. Vanozvikudza vakandiseka kwazvo; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pamurau wenyu. Ndakarangarira zvamakatonga kare-kare, Jehovha, Ndikazvinyaradza. Kutsamwa kukuru kwakandibata, Nokuda kwavakaipa vanorasha murau wenyu. Mitemo yenyu yaiva nziyo dzangu Mumba muutorwa hwangu. Ndakarangarira zita renyu, Jehovha, usiku, Ndikachengeta murau wenyu. Ndizvo zvandakanga ndinazvo, Nokuti ndakachengeta zvirevo zvenyu. Jehovha ndiye mugove wangu; Ndakati, ndichachengeta mashoko enyu. Ndakakumbira chiso chenyu nomwoyo wangu wose; Ndinzwirei nyasha, sezvinoreva shoko renyu. Ndakafunga nzira dzangu, Ndikadzorera tsoka dzangu kuzvipupuriro zvenyu. Ndakakurumidza, handina kunonoka Kuchengeta mirairo yenyu. Mabote avakaipa akandimonera; Asi handina kukanganwa murau wenyu. Ndichamuka pakati pousiku kuti ndikuvongei Pamusoro pezvamakatonga zvakarurama. Ndiri shamwari yavose vanokutyai, Neyavanochengeta zvirevo zvenyu. Jehovha, pasi pazere nengoni dzenyu; Ndidzidzisei mitemo yenyu.

Mapisarema 119:33-64 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

TENZI ndidzidziseiwo gwara rezvirevo zvenyu ndicharitevera kusvika kwokugumisa. Ite Ndipeiwo kunzwisisa ndichengete mutemo wenyu ndiutevedze nemwoyo wangu wose. Nditungamirireiwo munzira yemitemo yenyu nokuti ndinoifarira. Rerekerai mwoyo wangu kumitemo yenyu kwete kune zvinondipfumisa. Dzorai maziso angu pazvinhu zvisina maturo mundipewo upenyu mugwara renyu. Chengetai chitsidzo chenyu kumuranda wenyu chamakatsidza kuna vanokutyai. Ndinzvengeseiwo kune kushorwa kwandinotya nokuti zvirongwa zvenyu zvakanaka. Tarisai muone kuti ndinoshuwira mitemo yenyu. Pamusana pokuti makarurama, ndipeiwo upenyu. Ndiitireiwo mwoyochena wenyu, TENZI mundiponesewo sokutsidza kwenyu. Wawu Ndopandingakwanise kupindura vanonyomba nokuti ndinovimba neshoko renyu. Musaite kuti ndibva ndatadza kutaura chokwadi zvachose nokuti chitarisiro changu chiri muzvirongwa zvenyu. Ndichagara ndichichengeta mutemo wenyu narini narini. Ndichafamba ndakasununguka nokuti ndinotsvaka mitemo yenyu. Ndichataura nezvemitemo yenyu pana madzimambo, handimbonyari. Nokuti ndinofarira mitemo yenyu nokuti ndinoida. Ndinoremekedza mitemo yenyu uye ndinoida uyezve ndichafungisisa zvirevo zvenyu. Yeukai zvamakataura kumuranda wenyu zvakandipa chitarisiro. Zaini Chinondinyaradza munhamo yangu ndechichi chokuti chitsidzo chenyu chinondipa upenyu. Vanozvikudza vanondishora zvazviri asi handisiani nomutemo wenyu. Pandinorangarira mirau yakare zvinondinyaradza, TENZI. Ndinoviruka nehasha pamusana pavakaipa vanokanda pasi mutemo wenyu. Mitemo yenyu ndiyo rumbo rwangu mumusha wandinogara ndiri muutapwa. Ndinoyeuka zita renyu usiku TENZI uye ndinochengeta mutemo wenyu. Ndozvanguwo izvozvo zvokuti ndakachengeta mitemo yenyu. TENZI ndiye nhaka yangu, ndinotsidza kuchengeta shoko renyu. Heti Ndinotsvaka nomwoyo wangu wose kuti mundicheukewo, ndinzwireiwo ngoni sokutsidza kwenyu. Ndikafunga makwara enyu ndinobva ndatendeuka ndotevera mitemo yenyu. Ndinokurumidza, handinonoki kuchengeta mitemo yenyu. Kunyange misungo yavakaipa ichinditeya handikanganwi mutemo wenyu. Ndinomuka pakati pousiku ndichikurumbidzai nokuda kwezvirevo zvenyu zvakarurama. Ndiri shamwari yavose vanokutyai, wavose vanochengeta mitemo yenyu. Nyika izere nemwoyochena wenyu, TENZI, ndidzidzisei mitemo yenyu.

Mapisarema 119:33-64 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ndidzidzisei, Jehova, nzira yemitemo yenyu; Ndigoiceŋgeta kuȿikira pakuguma. Ndipei njere, ndiceŋgete murau wenyu; Ɀirokwaɀo, ndicauceŋgeta nomŋoyo waŋgu wose. Ndifambisei munzira yemirairo yenyu; Nokuti ndinoifarira kwaɀo. Kweʋerai mŋoyo waŋgu kuɀipupuriro ɀenyu, Urege kukweʋerwa mukuciʋa. Dzorai meso aŋgu ndirege kuʋona ɀisinamaturo, Mundiponese panzira dzenyu. Simbisai Shoko renyu kumuranda wenyu, Rakakwanira ʋanokutyai. Bvisai kushoʋorwa kwaŋgu kwandinotya, Nokuti ɀamakatoŋga ɀakanaka. Tarirai, ndakashuʋa ɀireʋo ɀenyu; Ndiponesei mukururama kwenyu. Ŋgoni dzenyu ŋgadziʋuye ʋo kwandiri, Jehova, Iko kuponesa kwenyu, seɀinoreʋa shoko renyu. Naiɀoɀo ndicagona kupindura unondishoʋora; Nokuti ndinoʋimba neshoko renyu. Regai kubvisa shoko reɀokwaɗi cose pamuromo waŋgu; Nokuti ndakatarira ɀamakatoŋga. Naiɀoɀo ndicasiceŋgeta murau wenyu Nokusiŋgaperi‐peri. Ndicasifamba ndakasunuŋguka, Nokuti ndakatȿaka ɀireʋo ɀenyu. Ndicataura ʋo ɀipupuriro ɀenyu pamberi pamadzimambo, Ndisiŋganyadziswi. Ndicaɀifadza kwaɀo nemirairo yenyu, Yandinoɗa. Ndicasimudzira ʋo maʋoko aŋgu kumirairo yenyu, yandinoɗa; Ndicafuŋgisisa mitemo yenyu. Raŋgarirai shoko renyu kumuranda wenyu, Nokuti makandimutsira tariro. Ndiɀo ɀinondinyaradza pakutambudzika kwaŋgu; Nokuti shoko renyu rakandiponesa. Ʋanoɀikudza ʋakandiseka kwaɀo; Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutsauka pamurau wenyu. Ndakaraŋgarira ɀamakatoŋga kare‐kare, Jehova, Ndikaɀinyaradza. Kutsamŋa kukuru kwakandiɓata, Nokuɗa kwaʋakaipa ʋanorasha murau wenyu. Mitemo yenyu yaiʋa nziyo dzaŋgu Mumba moʋutorwa bgaŋgu. Ndakaraŋgarira zita renyu, Jehova, ʋusiku, Ndikaceŋgeta murau wenyu. Ndiɀo ɀandakaŋga ndinaɀo, Nokuti ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu. Jehova ndiye mugoʋe waŋgu; Ndakati, ndicaceŋgeta mashoko enyu. Ndakakumbira ciso cenyu nomŋoyo waŋgu wose; Ndinzwirei nyasha, seɀinoreʋa shoko renyu. Ndakafuŋga nzira dzaŋgu, Ndikadzorera tsoka dzaŋgu kuɀipupuriro ɀenyu. Ndakakurumidza, handina‐kunonoka Kuceŋgeta mirairo yenyu. Maɓote aʋakaipa akandimonera; Asi handina‐kukaŋganwa murau wenyu. Ndicamuka pakati poʋusiku kuti ndikuʋoŋgei Pamsoro peɀamakatoŋga ɀakarurama. Ndiri shamŋari yaʋose ʋanokutyai, Neyaʋanoceŋgeta ɀireʋo ɀenyu. Jehova, pasi pazere neŋgoni dzenyu; Ndidzidzisei mitemo yenyu.

Mapisarema 119:33-64 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)