Ndidzidzisei, Jehova, nzira yemitemo yenyu;
Ndigoiceŋgeta kuȿikira pakuguma.
Ndipei njere, ndiceŋgete murau wenyu;
Ɀirokwaɀo, ndicauceŋgeta nomŋoyo waŋgu wose.
Ndifambisei munzira yemirairo yenyu;
Nokuti ndinoifarira kwaɀo.
Kweʋerai mŋoyo waŋgu kuɀipupuriro ɀenyu,
Urege kukweʋerwa mukuciʋa.
Dzorai meso aŋgu ndirege kuʋona ɀisinamaturo,
Mundiponese panzira dzenyu.
Simbisai Shoko renyu kumuranda wenyu,
Rakakwanira ʋanokutyai.
Bvisai kushoʋorwa kwaŋgu kwandinotya,
Nokuti ɀamakatoŋga ɀakanaka.
Tarirai, ndakashuʋa ɀireʋo ɀenyu;
Ndiponesei mukururama kwenyu.
Ŋgoni dzenyu ŋgadziʋuye ʋo kwandiri, Jehova,
Iko kuponesa kwenyu, seɀinoreʋa shoko renyu.
Naiɀoɀo ndicagona kupindura unondishoʋora;
Nokuti ndinoʋimba neshoko renyu.
Regai kubvisa shoko reɀokwaɗi cose pamuromo waŋgu;
Nokuti ndakatarira ɀamakatoŋga.
Naiɀoɀo ndicasiceŋgeta murau wenyu
Nokusiŋgaperi‐peri.
Ndicasifamba ndakasunuŋguka,
Nokuti ndakatȿaka ɀireʋo ɀenyu.
Ndicataura ʋo ɀipupuriro ɀenyu pamberi pamadzimambo,
Ndisiŋganyadziswi.
Ndicaɀifadza kwaɀo nemirairo yenyu,
Yandinoɗa.
Ndicasimudzira ʋo maʋoko aŋgu kumirairo yenyu, yandinoɗa;
Ndicafuŋgisisa mitemo yenyu.
Raŋgarirai shoko renyu kumuranda wenyu,
Nokuti makandimutsira tariro.
Ndiɀo ɀinondinyaradza pakutambudzika kwaŋgu;
Nokuti shoko renyu rakandiponesa.
Ʋanoɀikudza ʋakandiseka kwaɀo;
Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutsauka pamurau wenyu.
Ndakaraŋgarira ɀamakatoŋga kare‐kare, Jehova,
Ndikaɀinyaradza.
Kutsamŋa kukuru kwakandiɓata,
Nokuɗa kwaʋakaipa ʋanorasha murau wenyu.
Mitemo yenyu yaiʋa nziyo dzaŋgu
Mumba moʋutorwa bgaŋgu.
Ndakaraŋgarira zita renyu, Jehova, ʋusiku,
Ndikaceŋgeta murau wenyu.
Ndiɀo ɀandakaŋga ndinaɀo,
Nokuti ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu.
Jehova ndiye mugoʋe waŋgu;
Ndakati, ndicaceŋgeta mashoko enyu.
Ndakakumbira ciso cenyu nomŋoyo waŋgu wose;
Ndinzwirei nyasha, seɀinoreʋa shoko renyu.
Ndakafuŋga nzira dzaŋgu,
Ndikadzorera tsoka dzaŋgu kuɀipupuriro ɀenyu.
Ndakakurumidza, handina‐kunonoka
Kuceŋgeta mirairo yenyu.
Maɓote aʋakaipa akandimonera;
Asi handina‐kukaŋganwa murau wenyu.
Ndicamuka pakati poʋusiku kuti ndikuʋoŋgei
Pamsoro peɀamakatoŋga ɀakarurama.
Ndiri shamŋari yaʋose ʋanokutyai,
Neyaʋanoceŋgeta ɀireʋo ɀenyu.
Jehova, pasi pazere neŋgoni dzenyu;
Ndidzidzisei mitemo yenyu.