Mapisarema 119:137-176
Mapisarema 119:137-176 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Jehovha, imi makarurama, uye mirayiro yenyu yakarurama. Zvirevo zvenyu zvamakadzika zvakarurama; zvakavimbika kwazvo. Kushingaira kwangu kunondipedza, nokuti vavengi vangu havana hanya namashoko enyu. Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose, uye muranda wenyu anodzida. Kunyange ndakaderedzwa uye ndichizvidzwa hangu, handikanganwi zvirevo zvenyu. Kururama kwenyu kunogara nokusingaperi, uye murayiro wenyu ndowezvokwadi. Nhamo namatambudziko zviri pamusoro pangu, asi mirayiro yenyu ndiwo mufaro wangu. Zvirevo zvenyu zvinogara zvakarurama; ndipeiwo kunzwisisa kuti ndirarame. Ndinodana nomwoyo wangu wose; haiwa Jehovha ndipindureiwo, uye ndichateerera mitemo yenyu. Ndinodanidzira kwamuri, ndiponesei uye ndichachengeta zvamakatema. Ndinomuka mambakwedza asati asvika ndigochemera kubatsirwa; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku, kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu. Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu. Vanoita mano akaipa vari pedyo, asi vari kure nomurayiro wenyu. Asi imi muri pedyo, Jehovha, uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi. Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi. Tarirai kutambudzika kwangu mugondirwira, nokuti handina kukanganwa murayiro wenyu. Miririrai mhosva yangu uye mundidzikinure; chengetedzai upenyu hwangu maererano nevimbiso yenyu. Ruponeso rwuri kure navakaipa, nokuti havatsvaki mitemo yenyu. Haiwa Jehovha, tsitsi dzenyu ihuru; chengetedzai upenyu hwangu maererano nemirayiro yenyu. Vavengi vangu navanonditambudza vazhinji, asi handina kutsauka pane zvamakatema. Ndinotarira kuna vasingatendi ndichisema, nokuti havateereri shoko renyu. Tarirai madiro andinoita zvirevo zvenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu, maererano norudo rwenyu. Mashoko enyu ose ndeechokwadi; mirayiro yenyu yose yakarurama ndeyokusingaperi. Vatongi vanonditambudza ndisina mhaka, asi mwoyo wangu unodedera pashoko renyu. Ndinofarira vimbiso yenyu kufanana nouyo anowana zvakapambwa zvizhinji. Ndinovenga uye ndinosema nhema, asi ndinoda murayiro wenyu. Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama. Vanoda murayiro wenyu vano rugare rukuru, uye hakuna chingavagumbusa. Haiwa Jehovha, ndakamirira ruponeso rwenyu, uye ndinotevera mirayiro yenyu. Ndinoteerera zvirevo zvenyu, nokuti ndinozvida zvikuru. Ndinoteerera zvirevo zvenyu nezvamakatema, nokuti nzira dzangu dzose dzinozivikanwa nemi. Dai kuchema kwangu kwasvika pamberi penyu, imi Jehovha; ndipeiwo kunzwisisa maererano neshoko renyu. Kukumbira kwangu dai kwasvika pamberi penyu; ndirwirei maererano nevimbiso yenyu. Miromo yangu dai yafashukira nerumbidzo, nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu. Rurimi rwangu dai rwaimba nezveshoko renyu, nokuti mirayiro yenyu yose yakarurama. Ruoko rwenyu dai rwagadzirira kundibatsira, nokuti ndakasarudza zvirevo zvenyu. Haiwa Jehovha, ndinoshuva ruponeso rwenyu, uye murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu. Regai ndirarame kuti ndigokurumbidzai, uye dai mirayiro yenyu yandibatsira. Ndakatsauka segwai rakarasika. Tsvakai muranda wenyu, nokuti handina kukanganwa mirayiro yenyu.
Mapisarema 119:137-176 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Imi makarurama, Jehovha, Nezvamakatonga zvakaruramawo. Makaraira zvipupuriro zvenyu nokururama Uye nokutendeka kukuru. Kushingaira kwangu kwakandipedza, Nokuti vadzivisi vangu vakakangwana mashoko enyu. Shoko renyu rakaisvonatswa; Saka muranda wenyu anorida. Ndiri muduku, ndakazvidzwa; Asi handikanganwi zvirevo zvenyu. Kururama kwenyu ndiko kururama kusingaperi, Nomurau wenyu izvokwadi. Nhamo nokumanikidzwa zvakandibata; Asi mirairo yenyu ndiwo mufaro wangu mukuru. Zvipupuriro zvenyu zvakarurama nokusingaperi; Ndipei njere, ndigorarama. Ndakadana nomwoyo wangu wose; ndipindurei, Jehovha; Ndichachengeta mitemo yenyu. Ndakadana kwamuri; ndiponesei, Ndigochengeta zvipupuriro zvenyu. Ndakatangira mambakwedza ndikadana; Ndakatarira mashoko enyu. Meso angu akatangira nguva dzousiku, Kuti ndifungisise shoko renyu. Inzwai izwi rangu nokuda kwounyoro hwenyu; Ndiponesei Jehovha, sezvinoreva zvamakatonga. Vanotevera zvakaipa voswedera pedyo; Vari kure nomurau wenyu. Imi muri pedyo, Jehovha; Mirairo yenyu izvokwadi. Kubva kare ndakaziva nezvipupuriro zvenyu Kuti makazviteya nokusingaperi. Tarirai dambudziko rangu, mundirwire; Nokuti handikanganwi murau wenyu. Ndireverei mhosva yangu, mundidzikinure; Ndiponesei sezvinoreva shoko renyu. Kuponeswa kuri kure navakaipa; Nokuti havatsvaki mitemo yenyu. Ngoni dzenyu izhinji, Jehovha; Ndiponesei sezvinoreva zvamakatonga. Vatambudzi vangu navadzivisi vangu vazhinji; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pazvipupuriro zvenyu. Ndakaona vanyengedzeri, ndikavasema; Nokuti havana kuchengeta shoko renyu. Fungai kuti ndinoda zvirevo zvenyu; Ndiponesei, Jehovha, nokuda kwounyoro hwenyu. Unganidzo yeshoko renyu izvokwadi; Zvose zvamakatonga, zvakarurama, zvinogara nokusingaperi. Machinda akanditambudza ndisina mhosva; Asi mwoyo wangu unotya shoko renyu. Ndinofarira shoko renyu kwazvo, Somunhu awana zvizhinji zvakapambwa. Nhema ndinodzivenga nokudzisema; Asi murau wenyu ndinouda. Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, Nokuda kwezvakarurama zvamakatonga. Vanoda murau wenyu vane rugare rukuru; Hapana chinovagumbusa. Ndakatarira kuponesa kwenyu, Jehovha, Ndikaita mirairo yenyu. Mweya wangu wakachengeta zvipupuriro zvenyu; Ndinozvida kwazvo. Ndakachengeta zvirevo zvenyu nezvipupuriro zvenyu; Nokuti nzira dzangu dzose dziri pamberi penyu. Kudana kwangu ngakusvike pamberi penyu, Jehovha; Ndipei njere sezvinoreva shoko renyu. Kukumbira kwangu ngakusvike pamberi penyu; Ndirwirei sezvinoreva shoko renyu. Miromo yangu ngairumbidze; Nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu. Rurimi rwangu ngaruimbe shoko renyu; Nokuti mirairo yenyu yose yakarurama. Ruoko rwenyu ngarundibatsire; Nokuti ndakasanangura zvirevo zvenyu. Ndakashuva kuponesa kwenyu, Jehovha; Murau wenyu ndiwo mufaro wangu mukuru. Mweya wangu ngaurarame, ugokurumbidzai; Nezvamakatonga ngazvindibatsire. Ndakadzungaira segwai rakarashika; tsvakai muranda wenyu; Nokuti handikanganwi mirairo yenyu.
Mapisarema 119:137-176 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI makarurama uye kutonga kwenyu kwakarurama. Tsadhe Makatema mirau yakarurama, iri pachokwadi chaipo. Ndinobaiwa mwoyo neshungu nokuti vavengi vangu vanokanganwa zvavo mazwi enyu. Chitsidzo chenyu ndechepachokwadi chaicho uye muranda wenyu anochida. Ndiri muduku zvangu uye ndinoshorwa asi handikanganwi mirau yenyu. Ururami hwenyu hwakarurama nokusingaperi uye mutemo wenyu ndewechokwadi. Nhamo nokurwadziwa mwoyo zvandiwira, asi ndinofarira mutemo wenyu. Mitemo yenyu yakarurama nokusingaperi ndipeiwo kunzwisisa ndirarame. Ndinochema nemwoyo wangu wose, ndipindureiwo TENZI ndichengete zvirevo zvenyu. Kofu Ndinochema kwamuri, ndiponeseiwo kuti ndichengete mitemo yenyu. Ndinotangira mambakwedza kumuka ndichikumbira rubatsiro, chitarisiro changu chiri mumashoko enyu. Ndinenge ndatosvinura maziso nguva inotsinhanha varindi isati yasvika kuti ndidzamise pfungwa nezvezvitsidzo zvenyu. Nemwoyochena wenyu, inzwai kuchema kwangu, TENZI ndiraramiseiwo noruenzaniso rwenyu. Vanonditambudza vari kuuya kwandiri nepfungwa dzakaipa, vari kure nomutemo wenyu. Asi imi muri padyo TENZI uye mitemo yenyu ndeyechokwadi. Ndakaziva kare zvemitemo yenyu kuti makaidzika nokusingaperi. Tarisaiwo kutambura kwangu mundinunurewo nokuti handikanganwi mutemo wenyu. Reshi Ndimiririreiwo mundinunure, ndiraramiseiwo sokutsidza kwamakaita. Ruponeso rwuri kure navakaipa nokuti havana hanya nemitemo yenyu. Tsitsi dzenyu dzakawanda, TENZI ndiraramiseiwo noruenzaniso rwenyu. Vanonditambudza navanondirwisa vakawanda asi handitsauki pamitemo yenyu. Ndinotarisa vanyengedzi ndichivasema nokuti havachengeti mitemo yenyu. Rangarirai mudiro wandinoita mitemo yenyu, nemwoyochena wenyu ndichengetereiwo upenyu hwangu. Chokwadi ndicho mwoyo weshoko renyu uye zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, zvinogara nokusingaperi. Machinda anonditambudza pasina chikonzero asi ini chandinoremekedza zvikuru mumwoyo mangu, mashoko enyu. Shini Ndinofadzwa neshoko renyu somunhu awana zvokupamba zvakawanda. Ndinovenga uye ndinosema nhema asi ndinoda mutemo wenyu. Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva nokuda kwezvirevo zvenyu zvakarurama. Vanoda mutemo wenyu vane rugare rukuru. Hapana chinovaita kuti vadzadzarike. Ndinotarisira ruponeso rwenyu, TENZI uye ndinochengeta mitemo yenyu. Ndinochengeta mitemo yenyu uye ndinoida zvikuru kwazvo. Ndinochengeta mitemo yenyu nemirawo yenyu nokuti nzira dzangu dzose munodziziva. Regai chichemo changu chisvike kwamuri TENZI regai ndinzwisise sokutsidza kwamakaita. Tau Regai munamato wangu usvike kwamuri mundinunurewo sokutaura kwenyu. Muromo wangu uchakurumbidzai nokuti munondidzidzisa mirao yenyu. Shoko renyu richava rumbo parurimi rwangu nokuti mitemo yenyu yose yakarurama. Ruoko rwenyu ngarugaririre kundibatsira nokuti changu ini chandakasarudza mitemo yenyu. Ndinosuwira ruponeso rwenyu TENZI uye ndinofarira mutemo wenyu. Ndiraramisei kuti ndikurumbidzei zvirevo zvenyu ngazvindibatsire. Ndatetereka sehwai yarasika Nditsvakei ini muranda wenyu nokuti handikanganwi mitemo yenyu.
Mapisarema 119:137-176 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Imi makarurama, Jehova, Neɀamakatoŋga ɀakarurama ʋo. Makaraira ɀipupuriro ɀenyu nokururama Ʋuye nokutendeka kukuru. Kushiŋgaira kwaŋgu kwakandipedza, Nokuti ʋadziʋisi ʋaŋgu ʋakakaŋganwa mashoko enyu. Shoko renyu rakaiȿo‐natswa; Saka muranda wenyu unoriɗa. Ndiri muɗuku, ndakaɀidzwa; Asi handikaŋganwi ɀireʋo ɀenyu. Kururama kwenyu ndiko kururama kusiŋgaperi, Nomurau wenyu iɀokwaɗi. Nhamo nokumanikidzwa ɀakandiɓata; Asi mirairo yenyu ndiwo mufaro waŋgu mukuru. Ɀipupuriro ɀenyu ɀakarurama nokusiŋgaperi; Ndipei njere, ndigorarama. Ndakaɗana nomŋoyo waŋgu wose; ndipindurei, Jehova; Ndicaceŋgeta mitemo yenyu. Ndakaɗana kwamuri; ndiponesei, Ndigoceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu. Ndakataŋgira mambakwedza, ndikaɗana; Ndakatarira mashoko enyu. Meso aŋgu akataŋgira ŋguʋa dzoʋusiku, Kuti ndifuŋgisise shoko renyu. Inzwai inzwi raŋgu nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu; Ndiponesei Jehova, seɀinoreʋa ɀamakatoŋga. Ʋanoteʋera ɀakaipa ʋosweɗera pedyo; Ʋari kure nomurau wenyu. Imi muri pedyo, Jehova; Mirairo yenyu iɀokwaɗi. Kubva kare ndakaziʋa neɀipupuriro ɀenyu Kuti makaɀiteya nokusiŋgaperi. Tarirai ɗambudziko raŋgu, mundirwire; Nokuti handikaŋganwi murau wenyu. Ndireʋerei mhoȿa yaŋgu, mundidzikinure; Ndiponesei seɀinoreʋa shoko renyu. Kuponeswa kuri kure naʋakaipa; Nokuti haʋatȿaki mitemo yenyu. Ŋgoni dzenyu izhinji, Jehova; Ndiponesei seɀinoreʋa ɀamakatoŋga. Ʋatambudzi ʋaŋgu naʋadziʋisi ʋaŋgu ʋazhinji; Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutsauka paɀipupuriro ɀenyu. Ndakaʋona ʋanyeŋgedzeri, ndikaʋasema; Nokuti haʋana‐kuceŋgeta shoko renyu. Fuŋgai kuti ndinoɗa ɀireʋo ɀenyu; Ndiponesei, Jehova, nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu. Ʋuŋganidzo yeshoko renyu iɀokwaɗi; Ɀose ɀamakatoŋga, ɀakarurama, ɀinogara nokusiŋgaperi. Macinda akanditambudza ndisinemhoȿa; Asi mŋoyo waŋgu unotya shoko renyu. Ndinofarira shoko renyu kwaɀo, Somunhu wawana ɀizhinji ɀakapambga. Nhema ndinodziʋeŋga nokudzisema; Asi murau wenyu ndinouda. Ndinokurumbidzai kanomŋe pazuʋa, Nokuɗa kweɀakarurama ɀamakatoŋga. Ʋanoɗa murau wenyu ʋanorugare rukuru; Hapana‐cinoʋagumbusa. Ndakatarira kuponesa kwenyu, Jehova, Ndikaita mirairo yenyu. Mŋeya waŋgu wakaceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu; Ndinoɀiɗa kwaɀo. Ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu neɀipupuriro ɀenyu; Nokuti nzira dzaŋgu dzose dziri pamberi penyu. Kuɗana kwaŋgu ŋgakuȿike pamberi penyu, Jehova; Ndipei njere seɀinoreʋa shoko renyu. Kukumbira kwaŋgu ŋgakuȿike pamberi penyu; Ndirwirei seɀinoreʋa shoko renyu. Miromo yaŋgu ŋgairumbidze; Nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu. Rurimi rwaŋgu ŋgaruimbe shoko renyu; Nokuti mirairo yenyu yose yakarurama. Ruʋoko rwenyu ŋgarundiɓatsire; Nokuti ndakasanaŋgura ɀireʋo ɀenyu. Ndakashuʋa kuponesa kwenyu, Jehova; Murau wenyu ndiwo mufaro waŋgu mukuru. Mŋeya waŋgu ŋgaurarame, ugokurumbidzai; Neɀamakatoŋga ŋgaɀindiɓatsire. Ndakadzuŋgaira segwai rakarashika; tȿakai muranda wenyu; Nokuti handikaŋganwi mirairo yenyu.
Mapisarema 119:137-176 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)