Imi makarurama, Jehova,
Neɀamakatoŋga ɀakarurama ʋo.
Makaraira ɀipupuriro ɀenyu nokururama
Ʋuye nokutendeka kukuru.
Kushiŋgaira kwaŋgu kwakandipedza,
Nokuti ʋadziʋisi ʋaŋgu ʋakakaŋganwa mashoko enyu.
Shoko renyu rakaiȿo‐natswa;
Saka muranda wenyu unoriɗa.
Ndiri muɗuku, ndakaɀidzwa;
Asi handikaŋganwi ɀireʋo ɀenyu.
Kururama kwenyu ndiko kururama kusiŋgaperi,
Nomurau wenyu iɀokwaɗi.
Nhamo nokumanikidzwa ɀakandiɓata;
Asi mirairo yenyu ndiwo mufaro waŋgu mukuru.
Ɀipupuriro ɀenyu ɀakarurama nokusiŋgaperi;
Ndipei njere, ndigorarama.
Ndakaɗana nomŋoyo waŋgu wose; ndipindurei, Jehova;
Ndicaceŋgeta mitemo yenyu.
Ndakaɗana kwamuri; ndiponesei,
Ndigoceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu.
Ndakataŋgira mambakwedza, ndikaɗana;
Ndakatarira mashoko enyu.
Meso aŋgu akataŋgira ŋguʋa dzoʋusiku,
Kuti ndifuŋgisise shoko renyu.
Inzwai inzwi raŋgu nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu;
Ndiponesei Jehova, seɀinoreʋa ɀamakatoŋga.
Ʋanoteʋera ɀakaipa ʋosweɗera pedyo;
Ʋari kure nomurau wenyu.
Imi muri pedyo, Jehova;
Mirairo yenyu iɀokwaɗi.
Kubva kare ndakaziʋa neɀipupuriro ɀenyu
Kuti makaɀiteya nokusiŋgaperi.
Tarirai ɗambudziko raŋgu, mundirwire;
Nokuti handikaŋganwi murau wenyu.
Ndireʋerei mhoȿa yaŋgu, mundidzikinure;
Ndiponesei seɀinoreʋa shoko renyu.
Kuponeswa kuri kure naʋakaipa;
Nokuti haʋatȿaki mitemo yenyu.
Ŋgoni dzenyu izhinji, Jehova;
Ndiponesei seɀinoreʋa ɀamakatoŋga.
Ʋatambudzi ʋaŋgu naʋadziʋisi ʋaŋgu ʋazhinji;
Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutsauka paɀipupuriro ɀenyu.
Ndakaʋona ʋanyeŋgedzeri, ndikaʋasema;
Nokuti haʋana‐kuceŋgeta shoko renyu.
Fuŋgai kuti ndinoɗa ɀireʋo ɀenyu;
Ndiponesei, Jehova, nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu.
Ʋuŋganidzo yeshoko renyu iɀokwaɗi;
Ɀose ɀamakatoŋga, ɀakarurama, ɀinogara nokusiŋgaperi.
Macinda akanditambudza ndisinemhoȿa;
Asi mŋoyo waŋgu unotya shoko renyu.
Ndinofarira shoko renyu kwaɀo,
Somunhu wawana ɀizhinji ɀakapambga.
Nhema ndinodziʋeŋga nokudzisema;
Asi murau wenyu ndinouda.
Ndinokurumbidzai kanomŋe pazuʋa,
Nokuɗa kweɀakarurama ɀamakatoŋga.
Ʋanoɗa murau wenyu ʋanorugare rukuru;
Hapana‐cinoʋagumbusa.
Ndakatarira kuponesa kwenyu, Jehova,
Ndikaita mirairo yenyu.
Mŋeya waŋgu wakaceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu;
Ndinoɀiɗa kwaɀo.
Ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu neɀipupuriro ɀenyu;
Nokuti nzira dzaŋgu dzose dziri pamberi penyu.
Kuɗana kwaŋgu ŋgakuȿike pamberi penyu, Jehova;
Ndipei njere seɀinoreʋa shoko renyu.
Kukumbira kwaŋgu ŋgakuȿike pamberi penyu;
Ndirwirei seɀinoreʋa shoko renyu.
Miromo yaŋgu ŋgairumbidze;
Nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu.
Rurimi rwaŋgu ŋgaruimbe shoko renyu;
Nokuti mirairo yenyu yose yakarurama.
Ruʋoko rwenyu ŋgarundiɓatsire;
Nokuti ndakasanaŋgura ɀireʋo ɀenyu.
Ndakashuʋa kuponesa kwenyu, Jehova;
Murau wenyu ndiwo mufaro waŋgu mukuru.
Mŋeya waŋgu ŋgaurarame, ugokurumbidzai;
Neɀamakatoŋga ŋgaɀindiɓatsire.
Ndakadzuŋgaira segwai rakarashika; tȿakai muranda wenyu;
Nokuti handikaŋganwi mirairo yenyu.