Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 7:6-23

Zvirevo 7:6-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Nokuti ndakatarira pawindo yeimba yangu, Pahutanda hwewindo yangu; Ndikatarira pakati pavasina mano, Ndikaona pakati pamajaya Rimwe jaya rakashaiwa njere; Richipfuura nenzira yomumusha pedyo nekona yeimba yomukadzi uyo, Richifamba nenzira kuimba yomukadzi; Nenguva yorubvunzavaeni, nenguva yamadeko ezuva, Pakati pousiku kwasviba. Zvino tarira, mukadzi akasangana naye, Akanga akafuka sechifeve, anokunyengedzera pamwoyo. Anopupira, achiita sezvaanoda; Tsoka dzake hadzigari mumba make; Imwe nguva ari munzira dzomumusha, imwe nguva pamatare; Anorindira pamakona ose. Zvino iye akamubata, akamutsvoda; Akataura naye nechiso chisina kunyara, akati kwaari, “Ndaifanira kuuya nezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, Nhasi ndaripa mhiko dzangu. Saka ndabuda kuzokuchingamidza, Nditsvake chiso chako zvikuru, zvino ndakuwana. Ndakawarira machira anohukomba pamubhedha wangu, Nemicheka ina mavara inobva Ijipiti. Ndakasasa zvinonhuwira pamubhedha wangu, Mura, negavakava, nekinamoni. Uya tigute nokudana kusvikira mangwanani; Ngatizvifadze nokudana kukuru. Nokuti murume haapo pamusha; Akafamba rwendo rukuru; Akaenda nehombodo ine mari; Achadzoka pajenaguru.” Nokutaura kwake kuzhinji kwakanaka anomutsausa, Anomugombedzera nokubata kumeso kwemiromo yake. Anomutevera pakarepo, Senzombe inoenda kwainondobayiwa, Kana sebenzi rakasungwa rinoenda kundorangwa; Kusvikira museve wabaya chiropa chake; Seshiri inokurumidzira kurugombe, Asingazivi kuti zvinovinga upenyu hwake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 7

Zvirevo 7:6-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Nokuti ndakatarira pawindi yeimba yaŋgu, Paʋutanda bgewindi yaŋgu; Ndikatarira pakati paʋasinamano, Ndikaʋona pakati pamajaya Rimŋe jaya rakashaiwa njere; Ricipfuʋura nenzira yomumusha pedyo nekona yeimba yomukadzi uyo, Ricifamba nenzira kuimba yomukadzi; Neŋguʋa yorubvunza‐ʋaeni, neŋguʋa yamaɗeko ezuʋa, Pakati poʋusiku kwaȿiɓa. Ɀino tarira, mukadzi akasoŋgana naye, Wakaŋga akafuka secifeʋe, anokunyeŋgedzera pamŋoyo. Unopupira, aciita seɀaanoɗa; Tsoka dzake hadzigari mumba make; Imŋe ŋguʋa uri munzira dzomumusha, imŋe ŋguʋa pamatare; Unorindira pamakona ose. Ɀino iye akamuɓata, akamuȿeta; Akataura naye neciso cisino‐kunyara, akati kwaari: Ndaifanira kuʋuya neɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa, Nhasi ndaripa mhiko dzaŋgu. Saka ndaɓuɗa kuzokuciŋgamidza, Nditȿake ciso cako ɀikuru, ɀino ndakuwana. Ndakawarira macira anoʋukomba pamubeda waŋgu, Nemiceka inamaʋara inobva Egipita. Ndakasasa ɀinonhuwira pamubeda waŋgu, Mura, negaʋakaʋa, nekinamoni. Ʋuya tigute nokuɗana kuȿikira maŋgwanani; Ŋgatiɀifadze nokuɗana kukuru. Nokuti murume haa’po pamusha; Wakafamba rwendo rukuru; Wakaenda nehomboɗo inemari; Ucadzoka pajena guru. Nokutaura kwake kuzhinji kwakanaka unomutsausa, Unomugombedzera nokuɓata kumeso kwemiromo yake. Unomuteʋera pakarepo, Senzombe inoenda kwainondoɓayiwa, Kana seɓenzi rakasuŋgwa rinoenda kundoraŋgwa; Kuȿikira museʋe waɓaya ciropa cake; Seshiri inokurumidzira kurugombe, Asiŋgaziʋi kuti ɀinoʋiŋga ʋupenyu bgake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 7