Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 7:6-23

Tsumo 7:6-23 SCLBD

Nokuti ndiri pahwindho remba yangu ndakatarisa napasefa yangu. Ndakaona pakati pevoruzhinji ndikaongorora pane vechidiki jaya risina njere, richipfuura nepedyo nomukadzi uya richienda nenzira inoenda kumba kwake nguva yoruvhunzavaeni kumanheru panguva yousiku, yerima. Ndopandakaona mukadzi osangana naye akapfeka sepfambi aine zvaainanga achipupira kwazvo kutaura asingagari pamba. Akamboti mumugwagwa, hoyo kumusika anogaririra pakona dzose dzose. Akamubata akamutsvoda akati kwaari, zvisina nenyadzi dzose, “Ndanga ndiine chibayiro chokuti ndipire ndazadzisa nhasi mhiko dzangu. Ndokusaka ndauya, kuzokuchingura ndichikutsvagisisa zvino ndakuwana. Ndawaridza mubhedha wangu zvakanaka namachira emavara-mavara okuIjipiti erineni. Ndapfapfadzira mubhedha nemura, nearoi nechinamoni. Uya tigutsane nezvorudo kusvikira kwaedza ngatifadzane nerudo nokuti murume wangu haapo, akafamba rwendo rurefu. Akatakura katsapo kemari anozodzoka mwedzi wave jenaguru.” Akamugombedzera namashoko mazhinji okunyengetedza, namazwi ake akanyorovera akamumanikidza. Iyewo akabva amutevera pakarepo senzombe iri kuenda kundouraiwa, sebenzi riri kutungamidzwa kuchitokisi kusvikira abaiwa mudumbu, seshiri inomhanyira muriva, asingazivi kuti kuparara kwoupenyu hwake.

Verenga chikamu Tsumo 7