Zvirevo 6:1-11
Zvirevo 6:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwanakomana wangu, kana uchinge waita rubatso kumuvakidzani wako, kana uchinge waita mhiko nokumbunda noruoko rwako kuno mumwe, kana uchinge wasungwa nokuda kwezvawakataura, wabatwa namashoko omuromo wako, ipapo ita izvi, mwanakomana wangu, kuti uzvisunungure, sezvo wawira mumaoko omuvakidzani wako! Enda undozvininipisa; ukumbire zvikuru kumuvakidzani wako! Usatendera meso ako hope, usatendera meso ako kutsumwaira. Zvipukunyutse, semhara kubva paruoko rwomuvhimi, seshiri kubva paugombe hwomuteyi. Enda kusvosve, iwe simbe; cherechedza nzira dzaro ugova wakachenjera! Harina mutungamiri, mutariri kana mutongi, asi rinochengeta zvokudya zvaro muzhizha, uye rinounganidza zvokudya zvaro pakukohwa. Uchasvika riniko wakarara ipapo, iwe simbe? Uchamuka riniko kubva pahope dzako? Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira zvishomanana, kumbopeta maoko zvishomanana kuti ndizorore. Naizvozvo urombo huchauya kwauri segororo, uye kushayiwa somurwi akashonga nhumbi dzokurwa.
Zvirevo 6:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwanakomana wangu, kana uchinge wakazviitira wokwako rubatso, Wazvisunga nokuda kwomutorwa noruoko rwako, Wazviteya namashoko omuromo wako, Wabatwa namashoko omuromo wako, Zvino ita kudai, mwanakomana wangu, uzvirwire, Zvawabatwa noruoko rwowokwako, Enda, undozvininipisa, ukumbire zvikuru kunowokwako. Usatendera meso ako hope, Kana mafungiro ameso ako kutsimwaira; Uzvirwire semhara paruoko rwomuvhimi, Seshiri paruoko rwomuteyi. Enda kumujuru, iwe simbe; Cherekedza nzira dzawo ugova wakachenjera! Kunyange iwo usina mutongi, Kana mutariri kana mubati, Unogadzira zvokudya zvawo muzhizha, Nokuunganidza zvokudya zvawo mukukohwa. Iwe simbe, uchavata pasi kusvikira riniko? Uchamuka riniko pahope dzako? Kumbovata zvishomanene, kumbotsimwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore; Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu wakashonga nhumbi dzokurwa.
Zvirevo 6:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwanangu ukati ndiwe wokumiririra chikwereti chomumwe uchitsidza panzvimbo pomumwe, kana wateewa mukutaura kwomuromo wako wabatwa mumazwi omuromo wako zvaunofanira kuita ndezvizvi, mwanangu, kuitira kuti uzvinunure nokuti unenge watowira mumaoko omumwe wako. Enda uzvirereke utadzise mumwe wako iyeyo kudya rinopisa. Usambobvuma zvako kuti meso ako abatwe nehope kana kutsomwaira nehope. Zvinunure semhara kumuvhimi kana seshiri mumaoko omutei weshiri. Iwe tsimbe, enda kumujuru uongorore maitiro awo udzidze ungwaru. Mujuru hauna mambo, hauna muchinda kana mutongi asi unogadzirira sadza rawo muzhizha unounganidza chokudya chawo pakukohwa. Uchasvika riniko wakarara nhaiwe tsimbe uchamuka riniko muhope dzako? Izvo zvokuti, “Regai ndimboti kotsire kashoma.” “Regai ndimboti tsomwaire kashoma. Ndimboti maoko gumbate kuzorora.” Urombo hunobva hwati pauri tutururu serombe uye kushaiwa kunouya kwauri somunhu akapakata zvombo zvokurwa.
Zvirevo 6:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋanakomana waŋgu, kana uciŋge wakaɀiitira wokwako ruɓatso, Waɀisuŋga nokuɗa kwomutorwa noruʋoko rwako, Waɀiteya namashoko omuromo wako, Waɓatwa namashoko omuromo wako, Ɀino ita kuɗai, mŋanakomana waŋgu, uɀirwire, Ɀawaɓatwa noruʋoko rwowokwako: Enda, undoɀininipisa, ukumbire ɀikuru kunowokwako. Usatendera meso ako hope, Kana mafuŋgiro ameso ako kutsimŋaira; Uɀirwire semhara paruʋoko rwomuvimi, Seshiri paruʋoko rwomuteyi. Enda kumujuru, iwe simbe; Cerekedza nzira dzawo, ugoʋa wakacenjera! Kunyaŋge iwo usinomutoŋgi, Kana mutariri kana muɓati, Unogadzira ɀokudya ɀawo muzhezha, Nokuʋuŋganidza ɀokudya ɀawo mukukohwa. Iwe simbe, ucaʋata pasi kuȿikira riniko? Ucamuka riniko pahope dzako? Kumboʋata ɀishomanene, kumbotsimŋaira ɀishomanene, Kumbofuŋgatira maʋoko ɀishomanene, ndizorore; Saiɀoɀo ʋurombo bgako ʋucaȿika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu wakashoŋga nhumbi dzokurwa.
Zvirevo 6:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)