Mŋanakomana waŋgu, kana uciŋge wakaɀiitira wokwako ruɓatso, Waɀisuŋga nokuɗa kwomutorwa noruʋoko rwako, Waɀiteya namashoko omuromo wako, Waɓatwa namashoko omuromo wako, Ɀino ita kuɗai, mŋanakomana waŋgu, uɀirwire, Ɀawaɓatwa noruʋoko rwowokwako: Enda, undoɀininipisa, ukumbire ɀikuru kunowokwako. Usatendera meso ako hope, Kana mafuŋgiro ameso ako kutsimŋaira; Uɀirwire semhara paruʋoko rwomuvimi, Seshiri paruʋoko rwomuteyi. Enda kumujuru, iwe simbe; Cerekedza nzira dzawo, ugoʋa wakacenjera! Kunyaŋge iwo usinomutoŋgi, Kana mutariri kana muɓati, Unogadzira ɀokudya ɀawo muzhezha, Nokuʋuŋganidza ɀokudya ɀawo mukukohwa. Iwe simbe, ucaʋata pasi kuȿikira riniko? Ucamuka riniko pahope dzako? Kumboʋata ɀishomanene, kumbotsimŋaira ɀishomanene, Kumbofuŋgatira maʋoko ɀishomanene, ndizorore; Saiɀoɀo ʋurombo bgako ʋucaȿika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu wakashoŋga nhumbi dzokurwa.
Verenga chikamu Ɀireʋo 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ɀireʋo 6:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo