Zvirevo 31:1-9
Zvirevo 31:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvirevo zvaMambo Remueri, zvirevo zvaakadzidziswa namai vake: “Nhaiwe mwanakomana wangu, iwe mwanakomana wokubereka, iwe mwanakomana wemhiko dzangu, usapedzera simba rako pavakadzi, nenzira dzako pane avo vanoparadza madzimambo. “Hazvisi zvamadzimambo, nhaiwe Remueri, hazvina kufanira madzimambo kunwa waini, hazvina kufanira vatongi kukara doro, nokuti vangazonwa vakakanganwa zvakatemwa nomurayiro, uye vakazotadza kururamisira kodzero dzavanomanikidzwa vose. Ipai doro kuna avo vari kuparara, newaini kuna avo vari mukurwadziwa: regai vanwe vakanganwe urombo hwavo, uye varege kuzorangarirazve kutambudzika kwavo. “Taurai pachinzvimbo chaavo vasingagoni kuzvitaurira, pamusoro pekodzero dzavose vanoshayiwa. Taura utonge zvakanaka; udzivirire kodzero dzavarombo navanoshayiwa.”
Zvirevo 31:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mashoko amambo Remueri; zvirevo zvaakadzidziswa namai vake. “Nhai, mwanakomana wangu! Nhai, mwanakomana wemhiko dzangu! Rega kupa vakadzi simba rako, Nenzira dzako kune zvinoparadza madzimambo. Iwe Remueri, hazvifaniri madzimambo, hazvifaniri madzimambo kunwa waini; Namachinda kuti, ‘Doro riripiko?’ Varege kunwa, vachizokanganwa murayiro, Varege kukanganisa kururamisira vamwe vanotambudzika. Ipai anoda kuparara doro, Neano mwoyo unorwadza waini; Ngaanwe, akanganwe urombo hwake, Arege kucharangarira kutambudzika kwake. Shamisira mbeveve muromo wako, Urwire mhaka dzavose vakadai vakasiyiwa. Shamisa muromo wako, utonge zvakarurama, Ururamisire murombo neanoshaiwa.”
Zvirevo 31:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mashoko aRimueri mambo wokuMasa aakadzidziswa naamai vake. “Chii ichocho mwanangu, ndochii ichocho mwana wokubereka nhai mwana wangu wechitsidzo changu. Usazviise mumaoko avakadzi uchizvipa kuna vanoparadza madzimambo. Hachisi chinhu chamadzimambo Rimueri, kunwa waini kana vatongi kuda hwahwa, nokuti vangadaro vanwa vakakanganwa zvakatemwa vachizokanganisa zvinofanira kuitirwa varombo. Doro rinopiwa munhu avakuparara wainiwo vakasuruvara zvokufa. Ndivo vanganwe zvavo kuti vakanganwe urombo hwavo kuti vasayeukezve nhamo dzavo. Taura wakamiririra mbeveve umiririre zvinofanira kuitirwa vatamburi. Zarura muromo wako utonge zvakarurama umiririre varombo navashaiwi.”
Zvirevo 31:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mashoko amambo Remueri; ɀireʋo ɀaakadzidziswa namai ʋake. Nhai, mŋanakomana waŋgu! Nhai, mŋanakomana weɗumbu raŋgu! Nhai, mŋanakomana wemhiko dzaŋgu! Rega kupa ʋakadzi simba rako, Nenzira dzako kuneɀinoparadza madzimambo. Iwe Remueri, haɀifaniri madzimambo, haɀifaniri madzimambo kunwa waini; Namacinda kuti: Ƌoro riripiko? Ʋarege kunwa, ʋacizokaŋganwa murairo, Ʋarege kukaŋganisa kururamisira ʋamŋe ʋanotambudzika. Ipai woɗo‐kuparara ɗoro, Nounomŋoyo unorwadza waini; Ŋgaanwe, akaŋganwe ʋurombo bgake, Arege kucaraŋgarira kutambudzika kwake. Shamisira mbeʋeʋe muromo wako, Urwire mhaka dzaʋose ʋakaɗai ʋakasiyiwa. Shamisa muromo wako, utoŋge ɀakarurama, Ururamisire murombo nounoshaiwa.
Zvirevo 31:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)