Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 31:1-9

Zvirevo 31:1-9 SNA2002

Mashoko amambo Remueri; zvirevo zvaakadzidziswa namai vake. “Nhai, mwanakomana wangu! Nhai, mwanakomana wemhiko dzangu! Rega kupa vakadzi simba rako, Nenzira dzako kune zvinoparadza madzimambo. Iwe Remueri, hazvifaniri madzimambo, hazvifaniri madzimambo kunwa waini; Namachinda kuti, ‘Doro riripiko?’ Varege kunwa, vachizokanganwa murayiro, Varege kukanganisa kururamisira vamwe vanotambudzika. Ipai anoda kuparara doro, Neano mwoyo unorwadza waini; Ngaanwe, akanganwe urombo hwake, Arege kucharangarira kutambudzika kwake. Shamisira mbeveve muromo wako, Urwire mhaka dzavose vakadai vakasiyiwa. Shamisa muromo wako, utonge zvakarurama, Ururamisire murombo neanoshaiwa.”

Verenga chikamu Zvirevo 31