Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 31:1-9

Ɀireʋo 31:1-9 SUB1949

Mashoko amambo Remueri; ɀireʋo ɀaakadzidziswa namai ʋake. Nhai, mŋanakomana waŋgu! Nhai, mŋanakomana weɗumbu raŋgu! Nhai, mŋanakomana wemhiko dzaŋgu! Rega kupa ʋakadzi simba rako, Nenzira dzako kuneɀinoparadza madzimambo. Iwe Remueri, haɀifaniri madzimambo, haɀifaniri madzimambo kunwa waini; Namacinda kuti: Ƌoro riripiko? Ʋarege kunwa, ʋacizokaŋganwa murairo, Ʋarege kukaŋganisa kururamisira ʋamŋe ʋanotambudzika. Ipai woɗo‐kuparara ɗoro, Nounomŋoyo unorwadza waini; Ŋgaanwe, akaŋganwe ʋurombo bgake, Arege kucaraŋgarira kutambudzika kwake. Shamisira mbeʋeʋe muromo wako, Urwire mhaka dzaʋose ʋakaɗai ʋakasiyiwa. Shamisa muromo wako, utoŋge ɀakarurama, Ururamisire murombo nounoshaiwa.