Mashoko amambo Remueri; ɀireʋo ɀaakadzidziswa namai ʋake. Nhai, mŋanakomana waŋgu! Nhai, mŋanakomana weɗumbu raŋgu! Nhai, mŋanakomana wemhiko dzaŋgu! Rega kupa ʋakadzi simba rako, Nenzira dzako kuneɀinoparadza madzimambo. Iwe Remueri, haɀifaniri madzimambo, haɀifaniri madzimambo kunwa waini; Namacinda kuti: Ƌoro riripiko? Ʋarege kunwa, ʋacizokaŋganwa murairo, Ʋarege kukaŋganisa kururamisira ʋamŋe ʋanotambudzika. Ipai woɗo‐kuparara ɗoro, Nounomŋoyo unorwadza waini; Ŋgaanwe, akaŋganwe ʋurombo bgake, Arege kucaraŋgarira kutambudzika kwake. Shamisira mbeʋeʋe muromo wako, Urwire mhaka dzaʋose ʋakaɗai ʋakasiyiwa. Shamisa muromo wako, utoŋge ɀakarurama, Ururamisire murombo nounoshaiwa.
Verenga chikamu Ɀireʋo 31
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ɀireʋo 31:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo