Zvirevo 28:15-28
Zvirevo 28:15-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Seshumba inoomba, kana bere rinodzingirira, ndizvo zvakaita munhu akaipa anobata ushe pamusoro pavarombo. Mutongi anoshusha haana njere, asi uyo anovenga pfuma yakapambwa achararama kwamakore mazhinji. Munhu anoshushikana nemhosva yake yokuuraya, acharamba ari wokutiza kusvikira pakufa; ngapasava nomunhu anomutsigira. Uyo ano mufambiro wakarurama anogara akachengetedzeka, asi uyo ane nzira dzakatsauka achawa nokukurumidza. Uyo anorima munda wake achava nezvokudya zvakawanda, asi uyo anodzinganisana nezviroto achava nourombo hwakamufanira. Munhu akatendeka acharopafadzwa zvikuru, asi uyo anokara pfuma haangaregi kurangwa. Kuita rusarura hakuna kunaka, asi kunyange zvakadaro munhu anogona kuita zvakaipa kuti awane chimedu chechingwa. Munhu anonyima ane shungu dzokuda kupfuma asingazivi kuti urombo hwakamugaririra. Uyo anotsiura munhu iye achawana nyasha dzakawanda pakupedzisira, kupfuura uyo ane rurimi runonyengera. Uyo anobira baba kana mai vake achiti, “Hazvina kuipa,” ndiye shamwari youya anoparadza. Munhu ane ruchiva anomutsa kupesana, asi uyo anovimba naJehovha achabudirira. Uyo anovimba nesimba rake ibenzi, asi uyo anofamba muuchenjeri achachengetedzeka. Uyo anopa kuvarombo haangashayiwi chinhu, asi uyo anotsinzina meso ake kuvarombo achagamuchira kutukwa kuzhinji. Kana akaipa achienda pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda; asi kana vakaipa vachiparara, vakarurama vanowanda.
Zvirevo 28:15-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Seshumba inoomba, nebere rinopota-pota, Ndizvo zvakaita mubati akaipa anobata vanhu varombo. Muchinda, anoshaiwa njere, anomanikidza vanhuwo zvikuru; Asi anovenga kuchiva, achawedzera mazuva ake. Munhu, anoremedzwa neropa romumwe munhu, Achatizira kugomba; ngaarege kudziviswa nomunhu. Ani naani anofamba zvakarurama, acharwirwa; Asi anofamba nenzira dzisakarurama, achawa pakarepo. Anorima munda wake, achava nezvokudya zvizhinji; Asi unovangira zvisina maturo, uchava nourombo kwazvo. Munhu akatendeka achava namaropafadzo mazhinji; Asi anoda kupfuma nokukurumidza, haangakoni kurohwa. Kutsaura vanhu hakuna kunaka; Nokuti munhu angadarika nokuda kwechimedu chechingwa. Munhu ano ruchiva, anovangira pfuma, Asingazivi kuti achawirwa nokushaiwa. Anorairira munhu achazowana nyasha pashure, Kupfuura iye anobata kumeso norurimi rwake. Anobira baba vake kana amai vake, achiti, “Hakuzi kudarika,” Uyu ishamwari yoanoparadza. Ano mweya wokuchiva anomutsa kukakavara; Asi anovimba naJehovha, achasimbiswa. Anotenda mwoyo wake, ibenzi; Asi anofamba nouchenjeri, acharwirwa. Anopa varombo, haangazoshaiwi; Asi anotsinzina meso ake, achatukwa kazhinji. Kana vakaipa vosimba, vanhu vovanda; Asi kana voparara, vakarurama vowanda.
Zvirevo 28:15-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mutongi wakaipa akaita seshumba inodzvova kana sebere rinorwisa varombo. Mutongi asinganzwisisi munhu anobata vanhu noutsinye. Asi munhu anovenga kuwana zvinhu nenzira isiriyo anowana upenyu hurefu. Munhu anoremerwa nemhosva yokuuraya munhu iguva raakazviparira, regai akadaro. Munhu anoita zviri pachokwadi, achanunurwa asi ano upenyu hwoujarijari achatopaputsika. Munhu anorima munda wake, anowana chokudya chakawanda asi munhu anotandana nezvisina maturo urombo huchamuwandira. Munhu akavimbika, anowana makomborero akawanda asi munhu anoda kukurumidza kupfuma haazoregi kurangwa. Rusarura rwakaipa, pamusana pechidimbu chechingwa munhu anotogona kuva wakaipa. Munhu anonyima anomhanyirira upfumi asi haazivi kuti achashaiwa Munhu anotsiura mumwe ndiye anotozoremekedzwa kupinda muzvambarara wokunyengedza norurimi rwake. Anobira baba kana amai vake achiti hakusi kukanganisa ishamwari yemharadzi. Munhu anemakaro anomutsa muchokoto asi anovimba naTenzi anopfumiswa. Munhu ane umbimbindoga ibenzi; anoita zvinhu noungwaru anonunurwa. Munhu anopa kuvarombo hapana chaanozoshaya asi asingavacheuki anova nejambwa guru. Vaipi vakawana chinzvimbo chapamusoro vanhu vanozvivanza, kana vakaparara vakarurama vanobudirira.
Zvirevo 28:15-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Seshumba inoʋomba, neɓere rinopota‐pota, Ndiɀo ɀakaita muɓati wakaipa unoɓata ʋanhu ʋarombo. Mucinda, unoshaiwa njere, unomanikidza ʋanhu ʋo ɀikuru; Asi unoʋeŋga kuciʋa, ucawedzera mazuʋa ake. Munhu, unoremedzwa neropa romumŋe munhu, Ucatizira kugomba; ŋgaarege kudziʋiswa nomunhu. Aninani unofamba ɀakarurama, ucarwirwa; Asi unofamba nenzira dzisakarurama, ucawa pakarepo. Unorima munda wake, ucaʋa neɀokudya ɀizhinji; Asi unoʋaŋgira ɀisinamaturo, ucaʋa noʋurombo kwaɀo. Munhu wakatendeka ucaʋa namaropafadzo mazhinji; Asi unoɗa kufuma nokukurumidza, haaŋgakoni kurobga. Kutsaura ʋanhu hakuna‐kunaka; Nokuti munhu uŋgaɗarika nokuɗa kwecimeɗu ceciŋgwa. Munhu unoruciʋa, unoʋaŋgira fuma, Asiŋgaziʋi kuti ucawirwa nokushaiwa. Unorairira munhu ucazowana nyasha pashure, Kupfuʋura iye unoɓata kumeso norurimi rwake. Unoɓira ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, aciti: Hakuzi kuɗarika, Uyu ishamŋari younoparadza. Unomŋeya wokuciʋa unomutsa kukakaʋara; Asi unoʋimba naJehova, ucasimbiswa. Unotenda mŋoyo wake, iɓenzi; Asi unofamba noʋucenjeri, ucarwirwa. Unopa ʋarombo, haaŋgazoshaiwi; Asi unotsinzina meso ake, ucatukwa kazhinji. Kana ʋakaipa ʋosimba, ʋanhu ʋoʋanda; Asi kana ʋoparara, ʋakarurama ʋowanda.
Zvirevo 28:15-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)