Seshumba inoʋomba, neɓere rinopota‐pota, Ndiɀo ɀakaita muɓati wakaipa unoɓata ʋanhu ʋarombo. Mucinda, unoshaiwa njere, unomanikidza ʋanhu ʋo ɀikuru; Asi unoʋeŋga kuciʋa, ucawedzera mazuʋa ake. Munhu, unoremedzwa neropa romumŋe munhu, Ucatizira kugomba; ŋgaarege kudziʋiswa nomunhu. Aninani unofamba ɀakarurama, ucarwirwa; Asi unofamba nenzira dzisakarurama, ucawa pakarepo. Unorima munda wake, ucaʋa neɀokudya ɀizhinji; Asi unoʋaŋgira ɀisinamaturo, ucaʋa noʋurombo kwaɀo. Munhu wakatendeka ucaʋa namaropafadzo mazhinji; Asi unoɗa kufuma nokukurumidza, haaŋgakoni kurobga. Kutsaura ʋanhu hakuna‐kunaka; Nokuti munhu uŋgaɗarika nokuɗa kwecimeɗu ceciŋgwa. Munhu unoruciʋa, unoʋaŋgira fuma, Asiŋgaziʋi kuti ucawirwa nokushaiwa. Unorairira munhu ucazowana nyasha pashure, Kupfuʋura iye unoɓata kumeso norurimi rwake. Unoɓira ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, aciti: Hakuzi kuɗarika, Uyu ishamŋari younoparadza. Unomŋeya wokuciʋa unomutsa kukakaʋara; Asi unoʋimba naJehova, ucasimbiswa. Unotenda mŋoyo wake, iɓenzi; Asi unofamba noʋucenjeri, ucarwirwa. Unopa ʋarombo, haaŋgazoshaiwi; Asi unotsinzina meso ake, ucatukwa kazhinji. Kana ʋakaipa ʋosimba, ʋanhu ʋoʋanda; Asi kana ʋoparara, ʋakarurama ʋowanda.
Verenga chikamu Ɀireʋo 28
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ɀireʋo 28:15-28
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo