Mutongi wakaipa akaita seshumba inodzvova kana sebere rinorwisa varombo. Mutongi asinganzwisisi munhu anobata vanhu noutsinye. Asi munhu anovenga kuwana zvinhu nenzira isiriyo anowana upenyu hurefu. Munhu anoremerwa nemhosva yokuuraya munhu iguva raakazviparira, regai akadaro. Munhu anoita zviri pachokwadi, achanunurwa asi ano upenyu hwoujarijari achatopaputsika. Munhu anorima munda wake, anowana chokudya chakawanda asi munhu anotandana nezvisina maturo urombo huchamuwandira. Munhu akavimbika, anowana makomborero akawanda asi munhu anoda kukurumidza kupfuma haazoregi kurangwa. Rusarura rwakaipa, pamusana pechidimbu chechingwa munhu anotogona kuva wakaipa. Munhu anonyima anomhanyirira upfumi asi haazivi kuti achashaiwa Munhu anotsiura mumwe ndiye anotozoremekedzwa kupinda muzvambarara wokunyengedza norurimi rwake. Anobira baba kana amai vake achiti hakusi kukanganisa ishamwari yemharadzi. Munhu anemakaro anomutsa muchokoto asi anovimba naTenzi anopfumiswa. Munhu ane umbimbindoga ibenzi; anoita zvinhu noungwaru anonunurwa. Munhu anopa kuvarombo hapana chaanozoshaya asi asingavacheuki anova nejambwa guru. Vaipi vakawana chinzvimbo chapamusoro vanhu vanozvivanza, kana vakaparara vakarurama vanobudirira.
Verenga chikamu Tsumo 28
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Tsumo 28:15-28
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo