Zvirevo 25:15-28
Zvirevo 25:15-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kubudikidza nomwoyo murefu mutongi anogona kunyengetedzwa, uye rurimi runyoro runogona kuvhuna mapfupa. Kana wawana uchi, idya hunokuringana chete, hukawandisa, ucharutsa. Usanyanyoenda pamba pomuvakidzani wako, ukanyanya kuendapo, achakuvenga. Setsvimbo kana munondo kana museve unopinza, ndizvo zvakaita munhu anopa uchapupu hwenhema achipikisa muvakidzani wake. Sezino rakaora kana tsoka yakaremara, ndizvo zvakafanana nokuvimba nomunhu asina kutendeka panguva yokutambudzika. Souya anokurura nguo musi unotonhora, kana sevhiniga inodururwa pasoda, ndizvo zvinoita uyo anoimbira nziyo kumwoyo wakaremerwa. Kana muvengi wako ane nzara, mupe zvokudya adye; kana aine nyota, mupe mvura anwe. Mukuita izvi, uchaunganidzira mazimbe anopisa pamusoro wake, uye Jehovha achakupa mubayiro. Semhepo yokumusoro inouyisa mvura, naizvozvo rurimi rwakaipa runouyisa zviso zvakashatirwa. Zviri nani kugara pakona redenga reimba pano kugara mumba nomudzimai anokakavara. Semvura inotonhorera kumweya wakaneta ndizvo zvakaita nhau dzakanaka dzinobva kunyika iri kure. Sechitubu chizere madhaka kana tsime rasvibiswa, ndizvo zvakaita munhu akarurama anopa mukana kumunhu akaipa. Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji, kana kuti munhu azvitsvakire kukudzwa kwake iye. Seguta rakakoromoka masvingo ndizvo zvakaita munhu asingagoni kuzvibata.

Zvirevo 25:15-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mubati anokundwa kana achiitirwa mwoyo murefu, Uye rurimi runyoro runovhuna mapfupa. Wawana uchi here? Chidya hunokuringana, Kuti urege kuzvimbirwa nahwo, ukahurutsa. Rutsoka rwako ngarurege kuwanza kupinda paimba yowokwako; Arege kuzoneta newe, akakuvenga. Munhu anopupurira wokwake nhema, Akafanana netsvimbo, nomunondo, nomuseve unopinza. Kutenda munhu asina kutendeka panguva yenhamo, Kwakafanana nezino rakagurika norutsoka rwakashodoka. Somunhu anobvisa nguo kana kuchitonhora, uye sevhiniga kana ichiiswa pasoda, Ndizvo zvakaita munhu anoimbira mwoyo unorwadza nziyo. Kana muvengi wako ane nzara, umupe zvokudya adye; Kana ane nyota, umupe mvura anwe. Nokuti uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake, Uye Jehovha achakuripira. Mhepo inobva kuchamhembe inouyisa mvura; Saizvozvo rurimi runa makuhwa runouyisa chiso chakatsamwa. Zviri nani kugara pakona redenga, Pakugara muimba imwe nomukadzi unokakavara. Shoko rakanaka, rinobva kunyika iri kure, Rakafanana nemvura inotonhorera kumweya ane nyota. Munhu akarurama, anozununguka pamberi pavakaipa, Akafanana netsime rakabvongodzwa nechitubhu chine tsvina. Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji; Asi kunzvera zvinorema ndiko kukudzwa. Munhu asingadzori mweya wake, Akafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.
Zvirevo 25:15-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mutongi anogona kunyengererwa nemwoyo murefu. Rurimi runyoro rwunotyora mapfupa. Kana wawana uchi ingodya hwakakwanirana ungadaro ukagutisa ukazorutsa. Rega kuramba gumbo rako richienda pamba pomumwe wako angadaro akafinhwa newe akazokuvenga. Munhu anopupurira mumwe wake nhema wakafanana netsvimbo yehondo kana bakatwa kana museve wakapinza. Kuvimba nomunhu asingavimbiki pazuva renhamo, kwakafanana nezino rinorwadza kana rutsoka runotsvedzemuka. Kuimbira munhu akasuruvara kwakafanana nomunhu anobvisa bhachi pazuva rinotonhora kana kuisa vhiniga paronda. Kana muvengi ane nzara mupe chokudya kana ane nyota mupe mvura yokunwa nokuti izvozvo kutotutira mazimbe omoto pamusoro pake Tenzi achakupa mubayiro. Mhepo yokuchamhembe inounza mvura rurimi rwemakuhwa runokonzera kutsamwa. Zviri nani kugara pakona yedenga remba pane kugara mumba nomukadzi anenharo. Zvakangoita mvura inotonhorera kumunhu anenyota ndozvakaita shoko rakanaka rinobva kunyika iri kure. Mururami anobvuma zvavaipi akafanana nemvura yabvongodzwa kana kasipiti kakashinhirwa. Hazvina kunaka kudya uchi hwakawanda naizvozvo kutsvaka kurumbidzwa ita kushoma. Munhu asingakwanise kuzvibata akafanana neguta rakapazika rikasara risina rusvingo.
Zvirevo 25:15-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Muɓati unokundwa kana aciitirwa mŋoyo murefu, Ʋuye rurimi runyoro runovuna mafupa. Wawana ʋuci here? Cidya ʋunokuriŋgana, Kuti urege kumiswa mŋoyo nabgo, ukaʋurutsa. Rutsoka rwako ŋgarurege kuwanza kupinda paimba yowokwako; Arege kuzoneta newe, akakuʋeŋga. Munhu unopupurira wokwake nhema, Wakafanana netȿimbo, nomunondo, nomuseʋe unopinza. Kutenda munhu usino‐kutendeka paŋguʋa yenhamo, Kwakafanana nezino rakagurika norutsoka rwakashoɗoka. Somunhu unobvisa ŋguʋo kana kucitonhora, ʋuye sevinega kana iciiswa pasoda, Ndiɀo ɀakaita munhu unoimbira mŋoyo unorwadza nziyo. Kana muʋeŋgi wako anenzara, umupe ɀokudya adye; Kana anenyota, umupe mvura anwe. Nokuti ucatutira mazimbe omŋoto pamusoro wake, Ʋuye Jehova ucakuripira. Mhepo inobva kumsoro inoʋuyisa mvura; Saiɀoɀo rurimi runamakuhwa runoʋuyisa ciso cakatsamŋa. Ɀirinani kugara pakona reɗeŋga, Pakugara muimba imŋe nomukadzi unokakaʋara. Shoko rakanaka, rinobva kunyika iri kure, Rakafanana nemvura inotonhorera kumŋeya unenyota. Munhu wakarurama, unozunuŋguka pamberi paʋakaipa, Wakafanana netsime rakabvoŋgodzwa necituɓu cinetȿina. Haɀina‐kunaka kudya ʋuci ʋuzhinji; Asi kunɀera ɀinorema ndiko kukudzwa. Munhu usiŋgadzori mŋeya wake, Wakafanana neguta rakaputswa, risinoruȿiŋgo.
Zvirevo 25:15-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)