Mubati anokundwa kana achiitirwa mwoyo murefu, Uye rurimi runyoro runovhuna mapfupa. Wawana uchi here? Chidya hunokuringana, Kuti urege kuzvimbirwa nahwo, ukahurutsa. Rutsoka rwako ngarurege kuwanza kupinda paimba yowokwako; Arege kuzoneta newe, akakuvenga. Munhu anopupurira wokwake nhema, Akafanana netsvimbo, nomunondo, nomuseve unopinza. Kutenda munhu asina kutendeka panguva yenhamo, Kwakafanana nezino rakagurika norutsoka rwakashodoka. Somunhu anobvisa nguo kana kuchitonhora, uye sevhiniga kana ichiiswa pasoda, Ndizvo zvakaita munhu anoimbira mwoyo unorwadza nziyo. Kana muvengi wako ane nzara, umupe zvokudya adye; Kana ane nyota, umupe mvura anwe. Nokuti uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake, Uye Jehovha achakuripira. Mhepo inobva kuchamhembe inouyisa mvura; Saizvozvo rurimi runa makuhwa runouyisa chiso chakatsamwa. Zviri nani kugara pakona redenga, Pakugara muimba imwe nomukadzi unokakavara. Shoko rakanaka, rinobva kunyika iri kure, Rakafanana nemvura inotonhorera kumweya ane nyota. Munhu akarurama, anozununguka pamberi pavakaipa, Akafanana netsime rakabvongodzwa nechitubhu chine tsvina. Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji; Asi kunzvera zvinorema ndiko kukudzwa. Munhu asingadzori mweya wake, Akafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.
Verenga chikamu Zvirevo 25
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 25:15-28
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo