Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 25:15-28

Tsumo 25:15-28 SCLB

Mutongi anogona kunyengererwa nemwoyo murefu. Rurimi runyoro rwunotyora mapfupa. Kana wawana uchi ingodya hwakakwanirana ungadaro ukagutisa ukazorutsa. Rega kuramba gumbo rako richienda pamba pomumwe wako angadaro akafinhwa newe akazokuvenga. Munhu anopupurira mumwe wake nhema wakafanana netsvimbo yehondo kana bakatwa kana museve wakapinza. Kuvimba nomunhu asingavimbiki pazuva renhamo, kwakafanana nezino rinorwadza kana rutsoka runotsvedzemuka. Kuimbira munhu akasuruvara kwakafanana nomunhu anobvisa bhachi pazuva rinotonhora kana kuisa vhiniga paronda. Kana muvengi ane nzara mupe chokudya kana ane nyota mupe mvura yokunwa nokuti izvozvo kutotutira mazimbe omoto pamusoro pake Tenzi achakupa mubayiro. Mhepo yokuchamhembe inounza mvura rurimi rwemakuhwa runokonzera kutsamwa. Zviri nani kugara pakona yedenga remba pane kugara mumba nomukadzi anenharo. Zvakangoita mvura inotonhorera kumunhu anenyota ndozvakaita shoko rakanaka rinobva kunyika iri kure. Mururami anobvuma zvavaipi akafanana nemvura yabvongodzwa kana kasipiti kakashinhirwa. Hazvina kunaka kudya uchi hwakawanda naizvozvo kutsvaka kurumbidzwa ita kushoma. Munhu asingakwanise kuzvibata akafanana neguta rakapazika rikasara risina rusvingo.

Verenga chikamu Tsumo 25