Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 23:15-33

Zvirevo 23:15-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wakachenjera, ipapo mwoyo wangu uchafara; mukatikati mangu muchapembera kana miromo yako ichitaura zvakarurama. Usarega mwoyo wako uchichiva vatadzi, asi nguva dzose shingairira kutya Jehovha. Zvirokwazvo ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparadzwi. Teerera, mwanakomana wangu, ugova nouchenjeri, uye uchengete mwoyo wako panzira yakarurama. Usabatana navaya vanonwa waini zhinji, kunyange vaya vanokara nyama, nokuti zvidhakwa nevane madyo vachava varombo, uye hope dzichavapfekedza mamvemve. Teerera kuna baba vako, ivo vakakubereka, uye usazvidza mai vako kana vachinge vakwegura. Tenga zvokwadi urege kuzoitengesa; uwane uchenjeri, kuzvibata nokunzwisisa. Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru; uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye. Baba vako namai vako ngavafare; mai vakakubereka ngavafare kwazvo! Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako uye meso ako ngaananʼanidze nzira dzangu, nokuti chifeve igomba rakadzika, uye mukadzi asingazvibati itsime rakamanikana. Segororo anohwandira, anowedzera vasina kutendeka pakati pavarume. Ndiani ane nhamo? Ndiani akasuwa? Ndiani anokakavara? Ndiani anonyunyuta? Ndiani ane mavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka? Vaya vanogara pawaini, vanoenda kundoravira makate ewaini yakavhenganiswa. Usatarisa waini kana yatsvuka, kana ichivaima iri mumukombe, kana ichidzika zvakanaka pakunwa! Pakupedzisira inoruma senyoka uye ine uturu semvumbi. Meso ako achaona zvisakamboonekwa uye pfungwa dzako dzichafunga zvakapesana.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 23

Zvirevo 23:15-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wochenjera, Nomwoyo wangu uchafarawo. Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzichafarisisa, Kana miromo yako ichitaura zvinhu zvakarurama. Mwoyo wako ngaurege kugodora vatadzi; Asi utye Jehovha mazuva ose. Nokuti zvirokwazvo mubayiro uripo; Chawakatarira hachingaparadzwi. Inzwa, iwe mwanakomana wangu, uchenjere, Ururamise mwoyo wako munzira. Usava pakati pavanokarira waini, Pakati pavanokarira nyama. Nokuti munwi neane madyo vachava varombo; Hope dzichapfekedza munhu mamvemve. Teerera baba vako vakakubereka; Usazvidza mai vako kana vachembera. Tenga zvokwadi, urege kuzoitengesazve; Uye tenga uchenjeri nedzidzo nenjere. Baba vovakarurama vachafara kwazvo; Uye akabereka mwana akachenjera, achafadzwa naye. Baba vako namai vako ngavafare, Mai vakakubereka ngavafare kwazvo. Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako; Meso ako ngaafarire nzira dzangu. Nokuti chipfeve igoronga rakadzika; Nomukadzi wokumwe gomba rakamanikana. Zvirokwazvo anovandira segororo; Anowedzera vanyengedzeri pakati pavanhu. Ndiani anoti, “Haiwa!” Ndiani, anoti, “Maiwe! Ndiani anokukakavara? Ndiani anokuchema? Ndiani ano mavanga pasina mhaka? Ndiani ana meso akatsvuka?” Ndivo vanogarisa pawaini; Ivo vanondotsvaka waini yavhenganiswa. Usatarira waini kana yakatsvuka, Kana ichivaima mumukombe, Kana ichitapira pakunwiwa. Pakupedzisira inoruma senyoka, Inobaya semvumbi. Meso ako achaona zvisingazikanwi, Mwoyo wako uchabudisa zvisakarurama.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 23

Zvirevo 23:15-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mwanangu kana wakangwara mukati mako'mu mwoyo wanguwo unofara. Ini ndinobva ndafara mumwoyo kana muromo wako uchitaura zvakarurama. Usave neshanje navatadzi mumwoyo mako asi itya Tenzi zuva rose. Pakadaro une ramangwana, chitarisiro chako hachizoganurwa. Teerera mwanangu, iva munhu akangwara ururamise mwoyo wako mugwara. Usaite ushamwari nezviradza zvewaini kana kuva navanokara nyama nokuti chidhakwa neanokara kudya vachava varombo, vanotsomwaira nehope vachapfeka mamvemve. Teerera baba vako vakakubereka uye usashore amai vako kana vakwegura. Tenga chokwadi asi usachitengese tenga ungwaru nedzidziso nokunzwisisa. Baba womururami achafara zvisina akamboona. Anobereka mwana mungwaru achafadzwa naye. Rega baba vako naamai vako vafare. Rega wakakubereka afare. Mwanangu isa mwoyo wako kwandiri maziso ako aongorore zvandinoita. Pfambi igomba rakadzika, mukadzi asina kwake, itsime rakamanikana. Anogarira segororo achirasisa varume vakawanda. Ndiani chaizvo ane jambwa? Ndiani munhu wenhamo? Ndiani wokushupika? Ndiani anopopota? Ndiani ane mavanga aasingazivi kwaakabva nako? Ndiani anotsvukisa maziso? Ndavana mubvadzasukwa vane kamwoyo kokuda kuravira waini yakaitwa mvenge. Usatorwe mwoyo nokutsvuka kwewaini painenge yobwaira mukomichi ichinyatsoti yerere mugurokuro. Pakupedzisira inoruma senyoka igoti ndure kuruma sechiva. Maziso ako achaona zvinhu zvisingazivikanwi. Mumwoyo mako muchabuda zvisakarurama.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 23

Zvirevo 23:15-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Mŋanakomana waŋgu, kana mŋoyo wako wocenjera, Nomŋoyo waŋgu ucafara ʋo. Ɀirokwaɀo, itȿo dzaŋgu dzicafarisisa, Kana miromo yako icitaura ɀinhu ɀakarurama. Mŋoyo wako ŋgaurege kugoɗora ʋatadzi; Asi utye Jehova mazuʋa ose. Nokuti ɀirokwaɀo muɓairo uri’po; Cawakatarira haciŋgaparadzwi. Inzwa, iwe mŋanakomana waŋgu, ucenjere, Ururamisire mŋoyo wako munzira. Usaʋa pakati paʋanokarira waini, Pakati paʋanokarira nyama. Nokuti munwi nounamadyo ʋacaʋa ʋarombo; Hope dzicapfekedza munhu mamvemve. Terera ɓaɓa ʋako ʋakakuɓereka; Usaɀidza mai ʋako kana ʋacembera. Teŋga ɀokwaɗi, urege kuzoiteŋgesa ɀe; Ʋuye ʋucenjeri, nedzidzo, nenjere. Ƃaɓa ʋowakarurama ʋacafara kwaɀo; Ʋuye wakaɓereka mŋana wakacenjera, ucafadzwa naye. Ƃaɓa ʋako namai ʋako ŋgaʋafare, Mai ʋakakuɓereka ŋgaʋafare kwaɀo. Mŋanakomana waŋgu, ndipe mŋoyo wako; Meso ako ŋgaafarire nzira dzaŋgu. Nokuti cifeʋe igoroŋga rakadzika; Nomukadzi wokumŋe gomba rakamanikana. Ɀirokwaɀo unoʋandira segororo; Unowedzera ʋanyeŋgedzeri pakati paʋanhu. Ndiani unoti: Haiwa! Ndiani unoti: Maiwe! Ndiani unokukakaʋara? Ndiani unokucema? Ndiani unamaʋaŋga pasinemhaka? Ndiani unameso akatȿuka? Ndiʋo ʋanogarisa pawaini; Iʋo ʋanondotȿaka waini yakaveŋganiswa. Usatarira waini kana yakatȿuka, Kana iciʋaima mumukombe, Kana icitapira pakunwiwa. Pakupedzisira inoruma senyoka, Inoɓaya semvumbi. Meso ako acaʋona ɀisiŋgazikanwi, Mŋoyo wako ucaɓuɗisa ɀisakarurama.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 23

Zvirevo 23:15-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)